Mapisarema 65:1-13
Mapisarema 65:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Kurumbidzwa kwakakumirirai, imi Mwari, muZioni; kwamuri mhiko dzedu dzichazadziswa. Haiwa, imi munonzwa munyengetero, vanhu vose vachauya kwamuri. Patakanga takafukidzwa nezvivi, makakanganwira kudarika kwedu. Vakaropafadzwa avo vamunosarudza navamunoswededza pedyo kuti vagare pavanze dzenyu! Takagutswa nezvinhu zvakanaka zveimba yenyu, zvetemberi yenyu tsvene. Munotipindura namabasa okururama anotyisa, imi Mwari Muponesi wedu, tariro yemigumo yepasi pose namakungwa ari kure kure, iyemi makaumba makomo nesimba renyu, makazvishongedza nesimba, iyemi makanyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungu aro, nokupopota kwendudzi. Vanogara kure kure vanotya zvishamiso zvenyu; uko kunobuda mambakwedza uye madekwana achipera, munodanidzira nziyo dzomufaro. Mune hanya nenyika uye munoidiridza; munoipfumisa kwazvo. Hova dzaMwari dzizere nemvura kuti dzivigire vanhu zviyo, nokuti saizvozvo ndimi makazvirayira. Munozadza mihoronga yacho nemvura, uye munoenzanisa mihomba yacho; munoinyorovesa nemvura inopfunha munoropafadza zvibereko zvayo. Munoshongedza gore nekorona yezvakawanda zvenyu, uye ngoro dzenyu dzinopfachukira nezvakawanda. Uswa hwomurenje hwopfachukira; zvikomo zvakafukidzwa nomufaro. Mafuro azara namapoka emakwai, uye mipata yafukidzwa nezviyo; zvinodanidzira nomufaro uye zvinoimba.
Mapisarema 65:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imi Mwari munofanira kurumbidzwa paZioni; Imi munofanira kuitirwa mhiko. Imi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri. Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi. Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki hweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu. Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, Imi Mwari muponesi wedu; Imi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa; Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba; Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu. Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko. Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo. Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo. Munoshongedza mwaka nekorona younaki hwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta. Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro. Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.
Mapisarema 65:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari imi munofanira kurumbidzwa muZioni uye kuitirwa zvamakatsidzirwa. Imi munonzwa munamato, vanhu vose vachauya kwamuri nemhaka yezvitadzo. Kana zvikanganiso zvedu zvatikurira munozviregerera. Akakomborerwa zvake munhu wamunosarudza muchimuunza padyo kuti agare munhandare menyu. Munotigutsa nezvakanaka zvemba yenyu, Temberi yenyu inoera. Munopindura muchitinunura nezviito zvenyu zvinotyisa, imi, Mwari mununuri wedu, imi chitarisiro chavanhu vose kusvikira kose kwakaperera nyika, kusvikira kumakungwa ari kwokupedzisira chaiko. Imi makadzika makomo nesimba renyu, makapfeka simba renyu imi munonyaradza kutinhira kwamakungwa nokutinhira kwamasaisai awo namanyongori avanhu zvokuti vanhu vanogara kure kure kwakaperera nyika vanotya zviratidzo zvenyu. Munoita kuti mambakwedza nerubvunzavaeni zvipembere norufaro. Munoshanyira nyika muchiidiridza, munoipfumisa zvikuru. Rukova rwaMwari ruzere mvura ndimi munopa vanhu mbesa dzavo ndiwo marongero amakazviita. Munozadza mihoronga yayo nemvura zhinji nokusimbisisa mihomba yayo muchinyorovesa nokunaya kwayo nokukomborera zvinomera mairi. Munopedzisa gore nomukoho wakawanda. Panofamba ngoro dzenyu pachidonha mafuta. Mafuro omusango anenge achiyerera zvikomo zvinenge zvazara rufaro. Mafuro atekeshera nezvipfuwo, mapani azara nembesanwa. Zvinopembera nokuimba pamwechete norufaro.
Mapisarema 65:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imi Mŋari munofanira kurumbidzwa paZioni; Imi munofanira kuitirwa mhiko. Imi ʋokunzwa munyeŋgetero, Ʋanhu ʋose ʋanofanira kuʋuya kwamuri. Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kuɗarika kweɗu mucakudzima imi. Wakaropafadzwa munhu wamunosanaŋgura, wamunosweɗedza kwamuri, Kuti agare paʋazhe dzenyu; Isu ticagutiswa noʋunaki bgeimba yenyu, Iyo nɀimbo tȿene yetembere yenyu. Mukururama kwenyu munotipindura neɀinhu ɀinotyisa, Imi Mŋari muponesi weɗu; Imi ciʋimbo camatiʋi ose apasi, Naʋari kure paguŋgwa; Iye, unoteya makomo nesimba rake; Iye, wakasuŋgwa ciʋuno nesimba; Iye, unonyaradza kutinhira kwamakuŋgwa, iko kutinhira kwamafuŋgo awo, Nokupopota kwaʋanhu. Naiʋo ʋagere kumigumo ʋanotya ɀiratidzo ɀenyu; Munofadza maɓuɗire amaŋgwanani naamaɗeko. Munoshanyira pasi, munopaɗiridza, Munopafumisa kwaɀo; Rwizi rwaMŋari ruzere nemvura; Munoʋagadzirira ɀiyo, kana magadzira pasi saiɀoɀo. Munozadza mihoroŋga yapo kwaɀo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyoroʋesa nemvura inopfunha; Munoropafadza ɀinomera ɀapo. Munoshoŋgedza mŋaka nekorona yoʋunaki bgenyu; Makwara enyu anoɗonha mafuta. Anoɗonha pamafuro erenje; Ɀikomo ɀinoɀisuŋga nomufaro. Mafuro akafukidzwa namapoka eɀipfuwo; Ʋuye mipata ʋo yakafukidzwa neɀiyo; Ɀinopururudza, ɀiciimba ʋo.
Mapisarema 65:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)