Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 65:1-13

Nziyo 65:1-13 SCLB

Mwari imi munofanira kurumbidzwa muZioni uye kuitirwa zvamakatsidzirwa. Imi munonzwa munamato, vanhu vose vachauya kwamuri nemhaka yezvitadzo. Kana zvikanganiso zvedu zvatikurira munozviregerera. Akakomborerwa zvake munhu wamunosarudza muchimuunza padyo kuti agare munhandare menyu. Munotigutsa nezvakanaka zvemba yenyu, Temberi yenyu inoera. Munopindura muchitinunura nezviito zvenyu zvinotyisa, imi, Mwari mununuri wedu, imi chitarisiro chavanhu vose kusvikira kose kwakaperera nyika, kusvikira kumakungwa ari kwokupedzisira chaiko. Imi makadzika makomo nesimba renyu, makapfeka simba renyu imi munonyaradza kutinhira kwamakungwa nokutinhira kwamasaisai awo namanyongori avanhu zvokuti vanhu vanogara kure kure kwakaperera nyika vanotya zviratidzo zvenyu. Munoita kuti mambakwedza nerubvunzavaeni zvipembere norufaro. Munoshanyira nyika muchiidiridza, munoipfumisa zvikuru. Rukova rwaMwari ruzere mvura ndimi munopa vanhu mbesa dzavo ndiwo marongero amakazviita. Munozadza mihoronga yayo nemvura zhinji nokusimbisisa mihomba yayo muchinyorovesa nokunaya kwayo nokukomborera zvinomera mairi. Munopedzisa gore nomukoho wakawanda. Panofamba ngoro dzenyu pachidonha mafuta. Mafuro omusango anenge achiyerera zvikomo zvinenge zvazara rufaro. Mafuro atekeshera nezvipfuwo, mapani azara nembesanwa. Zvinopembera nokuimba pamwechete norufaro.

Verenga chikamu Nziyo 65