Imi Mwari munofanira kurumbidzwa paZioni; Imi munofanira kuitirwa mhiko. Imi vokunzwa munyengetero, Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri. Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi. Akaropafadzwa munhu wamunosanangura, wamunoswededza kwamuri, Kuti agare pavazhe dzenyu; Isu tichagutiswa nounaki hweimba yenyu, Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu. Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa, Imi Mwari muponesi wedu; Imi chivimbo chamativi ose apasi, Navari kure pagungwa; Iye, anoteya makomo nesimba rake; Iye, akasungwa chiuno nesimba; Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa, iko kutinhira kwamafungo awo, Nokupopota kwavanhu. Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu; Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko. Munoshanyira pasi, munopadiridza, Munopafumisa kwazvo; Rwizi rwaMwari ruzere nemvura; Munovagadzirira zviyo, kana magadzira pasi saizvozvo. Munozadza mihoronga yapo kwazvo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyorovesa nemvura inopfunha; Munoropafadza zvinomera zvapo. Munoshongedza mwaka nekorona younaki hwenyu; Makwara enyu anodonha mafuta. Anodonha pamafuro erenje; Zvikomo zvinozvisunga nomufaro. Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo; Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo; Zvinopururudza, zvichiimbawo.
Verenga chikamu Mapisarema 65
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 65:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo