Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 65:1-13

Mapisarema 65:1-13 SUB1949

Imi Mŋari munofanira kurumbidzwa paZioni; Imi munofanira kuitirwa mhiko. Imi ʋokunzwa munyeŋgetero, Ʋanhu ʋose ʋanofanira kuʋuya kwamuri. Mashoko akaipa ondikunda; Kana kuri kuɗarika kweɗu mucakudzima imi. Wakaropafadzwa munhu wamunosanaŋgura, wamunosweɗedza kwamuri, Kuti agare paʋazhe dzenyu; Isu ticagutiswa noʋunaki bgeimba yenyu, Iyo nɀimbo tȿene yetembere yenyu. Mukururama kwenyu munotipindura neɀinhu ɀinotyisa, Imi Mŋari muponesi weɗu; Imi ciʋimbo camatiʋi ose apasi, Naʋari kure paguŋgwa; Iye, unoteya makomo nesimba rake; Iye, wakasuŋgwa ciʋuno nesimba; Iye, unonyaradza kutinhira kwamakuŋgwa, iko kutinhira kwamafuŋgo awo, Nokupopota kwaʋanhu. Naiʋo ʋagere kumigumo ʋanotya ɀiratidzo ɀenyu; Munofadza maɓuɗire amaŋgwanani naamaɗeko. Munoshanyira pasi, munopaɗiridza, Munopafumisa kwaɀo; Rwizi rwaMŋari ruzere nemvura; Munoʋagadzirira ɀiyo, kana magadzira pasi saiɀoɀo. Munozadza mihoroŋga yapo kwaɀo; Munoenzanisa mipanje yapo; Munopanyoroʋesa nemvura inopfunha; Munoropafadza ɀinomera ɀapo. Munoshoŋgedza mŋaka nekorona yoʋunaki bgenyu; Makwara enyu anoɗonha mafuta. Anoɗonha pamafuro erenje; Ɀikomo ɀinoɀisuŋga nomufaro. Mafuro akafukidzwa namapoka eɀipfuwo; Ʋuye mipata ʋo yakafukidzwa neɀiyo; Ɀinopururudza, ɀiciimba ʋo.