Mapisarema 28:1-7
Mapisarema 28:1-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu; musandinyararira. Nokuti kana mukaramba munyerere, ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba. Inzwai kuchemera ngoni kwangu, sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri, sezvo ndichisimudza maoko angu ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene. Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa, naavo vanoita zvakaipa, vanotaura rugare navavakidzani vavo asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo. Vatsivei pamabasa avo napabasa ravo rakaipa, vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo; mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira. Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha uye nezvakaitwa namaoko ake, achavaputsira pasi akasavavakazve. Jehovha ngaarumbidzwe, nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa. Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro uye ndichamuvonga nenziyo.
Mapisarema 28:1-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndichadana kwamuri, Jehovha; Dombo rangu, regai kundinyararira; Zvimwe, kana mukandinyararira, Ndingafanana navanoburukira kugomba. Inzwai izwi remikumbiro yangu, kana ndichichema kwamuri, Kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yomukati yeimba yenyu tsvene. Musandibvuta pamwechete navakaipa, Navanoita zvakashata; Ivo vanotaura rugare kuna vavanogara navo, Asi zvakashata zviri mumwoyo mavo. Muvape zvakaenzana nebasa ravo, uye zvakaenzana nezvakaipa zvavakaita, Muvape zvakaenzana nokubata kwamaoko avo; Muvaitire sezvakavafanira. Zvavasina kurangarira mabasa aJehovha, Nezvaakabata namaoko ake, Iye achavaputsa, akasavavakazve. Jehovha ngaavongwe, Nokuti akanzwa izwi rokukumbira kwangu. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; Mwoyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; Saka mwoyo wangu unofara kwazvo, Ndichamurumbidza norwiyo rwangu.
Mapisarema 28:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinodanidzira kwamuri TENZI imi dombo rangu musandinyararire nokuti mukandinyararira ndingaite savaya vadzika kunzvimbo yavakafa. Inzwaiwo izwi rokunamata kwangu pandinochemera rubatsiro kwamuri; pandinosimudza maoko angu ndakananga kunzvimbo yenyu inoera. Musandibatanidzire pamwechete navakaipa navanhu vanoita zvakaipa vanotaura zvakanaka navamwe vavo asi mumwoyo muine zvakaipa. Vapei zvakaenzanirana namabasa avo uye zvakafanirana nezviito zvavo. Vapei zvinowirirana namabasa amaoko avo vapei mubayiro unokodzerana navo. Pamusana pokuti havana han'a namabasa aTENZI kana nebasa ramaoko ake, achavaparadza agorega kuvavakazve. TENZI ngaarumbidzwe nokuti akanzwa izwi rokuteterera kwangu. TENZI ndiye simba rangu nenhoo yangu mwoyo wangu unovimba naye; anondibatsira, saka mwoyo wangu unofara. Ndinomutenda norwiyo rwangu.
Mapisarema 28:1-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaɗana kwamuri, Jehova; Ƌombo raŋgu, regai kundinyararira; Ɀimŋe, kana mukandinyararira, Ndiŋgafanana naʋanoɓurukira kugomba. Inzwai inzwi remikumbiro yaŋgu, kana ndicicema kwamuri, Kana ndicisimudzira maʋoko aŋgu kunɀimbo yomukati yeimba yenyu tȿene. Musandibvuta pamŋe cete naʋakaipa, Naʋanoita ɀakashata; Iʋo, ʋanotaura rugare kunaʋaʋanogara naʋo, Asi ɀakashata ɀiri mumŋoyo maʋo. Muʋape ɀakaenzana neɓasa raʋo, ʋuye ɀakaenzana neɀakaipa ɀaʋakaita, Muʋape ɀakaenzana nokuɓata kwamaʋoko aʋo; Muʋaitire seɀakaʋafanira. Ɀaʋasina‐kuraŋgarira maɓasa aJehova, Neɀaakaɓata namaʋoko ake, Iye ucaʋaputsa, akasaʋaʋaka ɀe. Jehova ŋgaaʋoŋgwe, Nokuti wakanzwa inzwi rokukumbira kwaŋgu. Jehova ndiye simba raŋgu nenhoʋo yaŋgu; Mŋoyo waŋgu wakaʋimba naye, ndikaɓatsirwa; Saka mŋoyo waŋgu unofara kwaɀo, Ndicamurumbidza norwiyo rwaŋgu.
Mapisarema 28:1-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)