Ndichadana kwamuri, Jehovha; Dombo rangu, regai kundinyararira; Zvimwe, kana mukandinyararira, Ndingafanana navanoburukira kugomba. Inzwai izwi remikumbiro yangu, kana ndichichema kwamuri, Kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yomukati yeimba yenyu tsvene. Musandibvuta pamwechete navakaipa, Navanoita zvakashata; Ivo vanotaura rugare kuna vavanogara navo, Asi zvakashata zviri mumwoyo mavo. Muvape zvakaenzana nebasa ravo, uye zvakaenzana nezvakaipa zvavakaita, Muvape zvakaenzana nokubata kwamaoko avo; Muvaitire sezvakavafanira. Zvavasina kurangarira mabasa aJehovha, Nezvaakabata namaoko ake, Iye achavaputsa, akasavavakazve. Jehovha ngaavongwe, Nokuti akanzwa izwi rokukumbira kwangu. Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu; Mwoyo wangu wakavimba naye, ndikabatsirwa; Saka mwoyo wangu unofara kwazvo, Ndichamurumbidza norwiyo rwangu.
Verenga chikamu Mapisarema 28
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 28:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo