Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 28:1-7

Nziyo 28:1-7 SCLB

Ndinodanidzira kwamuri TENZI imi dombo rangu musandinyararire nokuti mukandinyararira ndingaite savaya vadzika kunzvimbo yavakafa. Inzwaiwo izwi rokunamata kwangu pandinochemera rubatsiro kwamuri; pandinosimudza maoko angu ndakananga kunzvimbo yenyu inoera. Musandibatanidzire pamwechete navakaipa navanhu vanoita zvakaipa vanotaura zvakanaka navamwe vavo asi mumwoyo muine zvakaipa. Vapei zvakaenzanirana namabasa avo uye zvakafanirana nezviito zvavo. Vapei zvinowirirana namabasa amaoko avo vapei mubayiro unokodzerana navo. Pamusana pokuti havana han'a namabasa aTENZI kana nebasa ramaoko ake, achavaparadza agorega kuvavakazve. TENZI ngaarumbidzwe nokuti akanzwa izwi rokuteterera kwangu. TENZI ndiye simba rangu nenhoo yangu mwoyo wangu unovimba naye; anondibatsira, saka mwoyo wangu unofara. Ndinomutenda norwiyo rwangu.

Verenga chikamu Nziyo 28