Nziyo 28
28
Rwiyo rwaDhavhidhi.
Munamato wokukumbira Rubatsiro
1Ndinodanidzira kwamuri TENZI
imi dombo rangu musandinyararire
nokuti mukandinyararira
ndingaite savaya vadzika kunzvimbo yavakafa.
2Inzwaiwo izwi rokunamata kwangu
pandinochemera rubatsiro kwamuri;
pandinosimudza maoko angu
ndakananga kunzvimbo yenyu inoera.
3Musandibatanidzire pamwechete navakaipa
navanhu vanoita zvakaipa
vanotaura zvakanaka navamwe vavo
asi mumwoyo muine zvakaipa.
4Vapei zvakaenzanirana namabasa avo
uye zvakafanirana nezviito zvavo.
Vapei zvinowirirana namabasa amaoko avo
vapei mubayiro unokodzerana navo.
5Pamusana pokuti havana han'a namabasa aTENZI
kana nebasa ramaoko ake,
achavaparadza agorega kuvavakazve.
6TENZI ngaarumbidzwe
nokuti akanzwa izwi rokuteterera kwangu.
7TENZI ndiye simba rangu nenhoo yangu
mwoyo wangu unovimba naye;
anondibatsira, saka mwoyo wangu unofara.
Ndinomutenda norwiyo rwangu.
8TENZI ndiye simba ravanhu vake.#28:8 Vanhu vake: Mazwi aya muchiHebheru hamuna asi anowanikwa mune rechiGiriki.
Ndiye nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo,
yokununura nayo muzodzwa wake.
9Nunurai vanhu venyu
mukomborere nhaka yenyu.
Ivai mufudzi wavo
muvatakure nokusingaperi.
Zvasarudzwa nguva ino
Nziyo 28: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.