Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 27

27
Rwiyo rwaDhavhidhi.
Munamato womunhu anovimba naMwari zvakanyanya
1TENZI ndiye chiedza changu
noruponeso rwangu.
Ndiani wandingatye?
Paupenyu hwangu, TENZI ndiye diziro rangu.
Ndiani wandingatye?
2Kana vakaipa vondirwisa
vachitaura zvakaipa nezvangu.
Mhandu navavengi vangu
vachadzadzarika vagowira pasi.
3Kunyange ndikakombwa nehondo
mwoyo wangu haungatyi
kunyange hondo ikandimukira
kuvimba kwangu nemi kucharamba kuripo.
4Ndinokumbira kuna TENZI chinhu chimwechete
ichocho ndicho chandinotsvaka
chokuti ndigare zvangu mumba maTENZI
mazuva ose oupenyu hwangu
kuitira kuti ndione kunaka kwaTENZI
uye kuti ndibvunzire#27:4 Ndibvunzire: Papfungwa yokubvunzira verenga Isaya 8:19. kwaari muTemberi yake.
5Achandivanza mudumba rake
pazuva renhamo;
achandiviga pakavanda mutendhe yake,
achandiisa pamusoro pedombo.
6Zvino ipapo ndichapasimudza musoro
pamusoro pavavengi vangu vakandikomberedza.
Ndichapira zvibayiro norufaro rukuru
mutendhe yake.
Ndichaimba, ndichiimbira TENZI rwiyo.
7Teereraiwo izwi rangu, TENZI pandinodanidzira
ndiitireiwo ngoni mundidavire.
8Imi makati,
“Tsvakai uso hwangu.”
Mwoyo wangu unoti kwamuri,
“Uso hwenyu TENZI ndihwo hwandinotsvaka.”
9Musavanze uso hwenyu kwandiri
musandidzinge nehasha ini muranda wenyu,
ndimi mangamuri mubatsiri wangu.
Musandisiye, musandirase,
Mwari mununuri wangu.
10Baba naamai vangandirase zvavo
asi TENZI achandigamuchira.
11TENZI ndiratidzei nzira yenyu
munditungamirire mugwara rakati tasa
pamusana pavavengi vangu.
12Musandiise mumaoko avavengi vangu
nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira
uye vanofemereka nehasha.
13Ndinovimba kuti ndichaona kunaka kwaTENZI
munyika yavapenyu.#27:13 Ndinovimba: Pane mazwi echiHebheru atisina kuturikira.
14Tarisira muna TENZI,
simba ushinge mwoyo.
Tarisira muna TENZI.

Zvasarudzwa nguva ino

Nziyo 27: SCLB

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda