Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 28:1-7

Mapisarema 28:1-7 SUB1949

Ndicaɗana kwamuri, Jehova; Ƌombo raŋgu, regai kundinyararira; Ɀimŋe, kana mukandinyararira, Ndiŋgafanana naʋanoɓurukira kugomba. Inzwai inzwi remikumbiro yaŋgu, kana ndicicema kwamuri, Kana ndicisimudzira maʋoko aŋgu kunɀimbo yomukati yeimba yenyu tȿene. Musandibvuta pamŋe cete naʋakaipa, Naʋanoita ɀakashata; Iʋo, ʋanotaura rugare kunaʋaʋanogara naʋo, Asi ɀakashata ɀiri mumŋoyo maʋo. Muʋape ɀakaenzana neɓasa raʋo, ʋuye ɀakaenzana neɀakaipa ɀaʋakaita, Muʋape ɀakaenzana nokuɓata kwamaʋoko aʋo; Muʋaitire seɀakaʋafanira. Ɀaʋasina‐kuraŋgarira maɓasa aJehova, Neɀaakaɓata namaʋoko ake, Iye ucaʋaputsa, akasaʋaʋaka ɀe. Jehova ŋgaaʋoŋgwe, Nokuti wakanzwa inzwi rokukumbira kwaŋgu. Jehova ndiye simba raŋgu nenhoʋo yaŋgu; Mŋoyo waŋgu wakaʋimba naye, ndikaɓatsirwa; Saka mŋoyo waŋgu unofara kwaɀo, Ndicamurumbidza norwiyo rwaŋgu.