Mapisarema 21:1-13
Mapisarema 21:1-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu. Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa! Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake, uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma, uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena. Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva mazhinji, nokusingaperi-peri. Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa. Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi, mukamufadza nomufaro pamberi penyu. Nokuti mambo anovimba naJehovha; nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro, iye haangazungunuswi. Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu. Panguva yokuonekwa kwenyu muchavaita sevira romoto. Jehovha achavamedza nehasha dzake, uye moto wake uchavaparadza. Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika, vana vavo kubva pakati pavanhu. Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira; nokuti muchaita kuti vafuratire, pamuchavananga nouta hwakawemburwa. Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu; tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.
Mapisarema 21:1-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mambo uchafara nesimba renyu, Jehovha; Achafarira kuponesa kwenyu zvikuru sei! Makamupa zvakadikanwa nomwoyo wake, Hamuna kuramba kukumbira kwemiromo yake. Nokuti munomuchingura nemikomborero yezvakanaka; Munodzika korona yendarama yakaisvonaka pamusoro wake. Akakumbira upenyu kwamuri, mukamupa ihwo; Namazuva mazhinji nokusingaperi-peri. Kurumbidzwa kwake kukuru nokuda kwokuponesa kwenyu, Makaisa pamusoro pake kukudzwa noumambo. Nokuti munomukomborera zvikuru nokusingaperi; Munomufadza nomufaro pamberi penyu. Nokuti mambo anovimba naJehovha, Nounyoro hoWokumusorosoro haangazunguswi. Ruoko rwenyu ruchawana vavengi venyu vose; Ruoko rwenyu rworudyi ruchawana vose vanokuvengai. Muchavaita sevira romoto nenguva yokutsamwa kwenyu. Jehovha achavamedza nehasha dzake, Moto uchavaparadza. Muchaparadza zvibereko zvavo panyika, Navana vavo pakati pavana vavanhu. Nokuti vakafunga kukuitirai zvakaipa; Vakafunga zano rakaipa, asi havagoni kuzviita. Nokuti muchavafuratidza, Muchagadzira ungiso dzouta hwenyu kuvapfura pazviso zvavo. Simukai Jehovha, nesimba renyu; Naizvozvo tichaimba nokukudza chikuriri chenyu.
Mapisarema 21:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mambo anofara nesimba renyu, TENZI, anofarira zvikuru kuponesa kwenyu. Makamupa zvaiva pamwoyo pake uye hamuna kumunyima zvaakakumbira nomuromo wake. Dzepfunde Makamuchingura nezvikomborero zvakanaka mukamugadza chiremba chendarama chakanakisisa mumusoro make. Akakukumbirai upenyu mukamupa, mazuva akawanda nokusingaperi. Ano mukurumbira mukuru pamusana porubatsiro rwenyu rwunoponesa. Makamupa umambo norukudzo. Nokuti makaisa zvikomborero zvenyu paari nokusingaperi uye anofara nokuvapo kwenyu nokuti mambo anovimba naTENZI uye haambosudurutswa pamusana pemwoyochena wanyakumusorosoro. Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose. Ruoko rwenyu ruchabata vanokuvengai. Muchavaita sevira romoto pamuchazviratidza TENZI achavamedza nehasha dzake, vacharoromeswa nomoto. Muchaparadza vana vavo panyika uyewo vana vavo pakati pavanhu. Kana zvavo vakafunga zvakaipa zvokukuitirai, kana vakaronga mazano akaipa havambobudirira nokuti muchavamhanyisa makanongedza uta hwenyu kuuso hwavo. Munofanira kurumbidzwa zvenyu, imi TENZI, pamusana pesimba renyu. Tichaimba tichirumbidza simba renyu.
Mapisarema 21:1-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mambo ucafara nesimba renyu, Jehova; Ucafarira kuponesa kwenyu ɀikuru sei! Makamupa ɀakaɗikanwa nomŋoyo wake, Hamuna‐kuramba kukumbira kwemiromo yake. Nokuti munomuciŋgura nemikomborero yeɀakanaka; Munodzika korona yendarama yakaiȿo‐naka pamusoro wake. Wakakumbira ʋupenyu kwamuri, mukamupa ibgo; Namazuʋa mazhinji nokusiŋgaperi‐peri. Kurumbidzwa kwake kukuru nokuɗa kwokuponesa kwenyu, Makaisa pamsoro pake kukudzwa noʋumambo. Nokuti munomukomborera ɀikuru nokusiŋgaperi; Munomufadza nomufaro pamberi penyu. Nokuti mambo unoʋimba naJehova, Noʋunyoro bgoWokumsoro‐soro haaŋgazunuŋguswi. Ruʋoko rwenyu rucawana ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋose; Ruʋoko rwenyu rworudyi rucawana ʋose ʋanokuʋeŋgai. Mucaʋaita seʋira romŋoto neŋguʋa yokutsamŋa kwenyu. Jehova ucaʋamedza nehasha dzake, Mŋoto ucaʋaparadza. Mucaparadza ɀiɓereko ɀaʋo panyika, Naʋana ʋaʋo pakati paʋana ʋaʋanhu. Nokuti ʋakafuŋga kukuitirai ɀakaipa; Ʋakafuŋga zano rakaipa, asi haʋagoni kuɀiita. Nokuti mucaʋafuratidza, Mucagadzira huŋgiso dzoʋuta bgenyu kuʋafura paɀiso ɀaʋo. Simukai Jehova, nesimba renyu; Naiɀoɀo ticaimba nokukudza cikuriri cenyu.
Mapisarema 21:1-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)