Mambo anofara nesimba renyu, TENZI, anofarira zvikuru kuponesa kwenyu. Makamupa zvaiva pamwoyo pake uye hamuna kumunyima zvaakakumbira nomuromo wake. Dzepfunde Makamuchingura nezvikomborero zvakanaka mukamugadza chiremba chendarama chakanakisisa mumusoro make. Akakukumbirai upenyu mukamupa, mazuva akawanda nokusingaperi. Ano mukurumbira mukuru pamusana porubatsiro rwenyu rwunoponesa. Makamupa umambo norukudzo. Nokuti makaisa zvikomborero zvenyu paari nokusingaperi uye anofara nokuvapo kwenyu nokuti mambo anovimba naTENZI uye haambosudurutswa pamusana pemwoyochena wanyakumusorosoro. Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose. Ruoko rwenyu ruchabata vanokuvengai. Muchavaita sevira romoto pamuchazviratidza TENZI achavamedza nehasha dzake, vacharoromeswa nomoto. Muchaparadza vana vavo panyika uyewo vana vavo pakati pavanhu. Kana zvavo vakafunga zvakaipa zvokukuitirai, kana vakaronga mazano akaipa havambobudirira nokuti muchavamhanyisa makanongedza uta hwenyu kuuso hwavo. Munofanira kurumbidzwa zvenyu, imi TENZI, pamusana pesimba renyu. Tichaimba tichirumbidza simba renyu.
Verenga chikamu Nziyo 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 21:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo