Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu. Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa! Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake, uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma, uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena. Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva mazhinji, nokusingaperi-peri. Kubudikidza nokukunda kwamakamupa, kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa. Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi, mukamufadza nomufaro pamberi penyu. Nokuti mambo anovimba naJehovha; nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro, iye haangazungunuswi. Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu. Panguva yokuonekwa kwenyu muchavaita sevira romoto. Jehovha achavamedza nehasha dzake, uye moto wake uchavaparadza. Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika, vana vavo kubva pakati pavanhu. Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira; nokuti muchaita kuti vafuratire, pamuchavananga nouta hwakawemburwa. Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu; tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.
Verenga chikamu Mapisarema 21
Terera ku Mapisarema 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 21:1-13
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo