Mapisarema 21
21
Pisarema 21
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.
1Haiwa Jehovha, mambo anofara musimba renyu.
Mufaro wake mukuru sei pakukunda kwamunomupa!
2Makamupa zvinodikanwa nomwoyo wake,
uye hamuna kumunyima zvaikumbirwa nomuromo wake. Sera
3Makamugamuchira nemikomborero yakapfuma,
uye makadzika pamusoro pake korona yegoridhe yakachena.
4Akakukumbirai upenyu, mukamupa mazuva
mazhinji, nokusingaperi-peri.
5Kubudikidza nokukunda kwamakamupa,
kukudzwa kwake kukuru; makaisa pamusoro pake kubwinya nokukudzwa.
6Zvirokwazvo makamupa maropafadzo anogara nokusingaperi,
mukamufadza nomufaro pamberi penyu.
7Nokuti mambo anovimba naJehovha;
nokuda kworudo rusingaperi rwoWokumusoro-soro,
iye haangazungunuswi.
8Ruoko rwenyu ruchabata vavengi venyu vose;
ruoko rwenyu rworudyi ruchabata vavengi venyu.
9Panguva yokuonekwa kwenyu
muchavaita sevira romoto.
Jehovha achavamedza nehasha dzake,
uye moto wake uchavaparadza.
10Muchaparadza zvizvarwa zvavo kubva panyika,
vana vavo kubva pakati pavanhu.
11Kunyange vachirangana zvakaipa pamusoro penyu
nokufunga mano akaipa, havangagoni kubudirira;
12nokuti muchaita kuti vafuratire,
pamuchavananga nouta hwakawemburwa.
13Simudzirwai, imi Jehovha, musimba renyu;
tichaimba uye ticharumbidza simba renyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Mapisarema 21: BDSC
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Contemporary Bible
Copyright © 2005, 2018 by Biblica, Inc.®
Used by permission. All rights reserved worldwide.
Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi
Copyright © 2005, 2018 Biblica, Inc.®
Mvumo yokushandisa ndima yakapiwa. Kodzero dzose dziripo.