Mapisarema 18:1-15
Mapisarema 18:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokudai, imi Jehovha, simba rangu. Jehovha ndiye dombo rangu, nhare yangu, murwiri wangu; Mwari wangu ndiye dombo rangu, wandinovanda maari. Ndiye nhoo yangu norunyanga rworuponeso rwangu, shongwe yangu. Ndinodana kuna Jehovha, iye akafanira kurumbidzwa, uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu. Mabote orufu akandipinganidza; mvura zhinji inoparadza yakandifukidza. Mabote eguva akandimonera; misungo yorufu yakanangana neni. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha; ndakadana kuna Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika pamberi pake munzeve dzake. Nyika yakadedera ikadengenyeka, uye nheyo dzamakomo dzakazunguzika; Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake; moto unoparadza wakabuda mumuromo make, mazimbe anopisa akabuda mauri achipfuta. Akatsemura matenga akauya pasi; makore erima akanga ari pasi petsoka dzake. Akatasva makerubhi akabhururuka; akabhururuka pamapapiro emhepo. Akaita rima chifukidzo chake, denga rake rakamupoteredza, iwo makore matema emvura okudenga. Nokupenya kwaibva pamberi pake, makore akabuda akafamba, nechimvuramabwe nokupenya kwemheni. Jehovha akatinhira kudenga; inzwi roWokumusoro-soro rikanzwika. Akapfura miseve yake akaparadzira vavengi vake, kupenya kukuru kwemheni kukavavhundutsa. Mipata yegungwa yakaiswa pachena, uye nheyo dzenyika dzakaiswa pachena pakutuka kwenyu, imi Jehovha, nokufema kwemhino dzenyu.

Mapisarema 18:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu.” Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; Nhoo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira. Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu. Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa. Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa izwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake. Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa. Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo. Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga. Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto. Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nezwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto. Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa. Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema kwomweya wemhino dzenyu.
Mapisarema 18:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokudai TENZI, imi simba rangu. TENZI ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, ndiye ane simba rokundiponesa ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo. Ndinodaidzira kuna TENZI; iye anofanira kurumbidzwa, ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga. Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza, mafashamo ohumharadzi akandirwisa. Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakandikochekera mariva orufu akandigaririra. Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyowo dzamakomo dzakazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa. Akafemeruka utsi mumhuno dzake, mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa. Mukabuda mazimbe anobvira moto. Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake. Akanga akakwira pakerubhu akabhururuka, akauya nokukurumidza achibhururuka mumhepo. Akaita kuti rima rimukwidibire rakamutenderedza makuti matematema chaiwo emvura akaaita chokuhwanda nacho. Mukupenya kwaiva mberi kwake, pakabuda nomumakore chimvuramahwe namazhenje omoto. TENZI akadhiriridza mumatenga'mu, izwi raNyadenga rikariridza. Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto. Akakanda miseve yake vakati dzvamu kuparara, akapenyesa mheni vakati ware kuparara. Makoronga omugungwa akaoneka, pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha nokutsiura kwenyu, TENZI nedutu rinobva mumhuno dzenyu.
Mapisarema 18:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokuɗisai, Jehova, simba raŋgu. Jehova iɗombo raŋgu, nenhare yaŋgu, nomurwiri waŋgu; Mŋari waŋgu, ɗombo raŋgu, wandicaʋimba naye; Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira. Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa; Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu. Maɓote orufu akandikomba; Ʋuye nzizi dzeɀakaipa dzakandivundusa. Maɓote eSheori akandisuŋga; Misuŋgo yorufu yakandiwira. Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova, Ndikaɗana kunaMŋari waŋgu; Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake; Kucema kwaŋgu pamberi pake kukaȿika munzeʋe dzake. Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera; Nheyo dzamakomo ʋo dzakaɗeŋgenyeka, Dzikazunuŋguswa, nokuti wakaŋga akatsamŋa. Ʋutsi bgakakwira ʋucibva mumhino dzake, Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akaɓatidzwa nawo. Wakakotamisa kuɗeŋga‐ɗeŋga ʋo, akaɓuruka; Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake. Wakataȿa kerubi, akabururuka; Ɀirokwaɀo, wakabururuka pamapapiro emhepo. Rima wakariita nɀimbo yake yokuʋanda, tente rake rakamupoteredza; Kuȿiɓa kwemvura zhinji, namakore matema okuɗeŋga. Nokupenya kwakaŋga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuʋura, Necimvuramabge namazimbe omŋoto. Jehova wakatinhira ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga, Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake; Cimvuramabge namazimbe omŋoto. Wakatuma miseʋe yake, akaʋaparadza; Ɀirokwaɀo, nemheni zhinji, akaʋavundusa. Ipapo migero yemvura zhinji yakaʋonekwa, Ʋuye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehova, Nokufema kwomŋeya wemhino dzenyu.
Mapisarema 18:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)