Ndinokudai TENZI, imi simba rangu. TENZI ndiye bako rangu, ndiye nhare nomununuri wangu. Mwari wangu ndiye bako rangu, maari ndimo mandinopotera. Ndiye nhoo yangu, ndiye ane simba rokundiponesa ndiye nhare yangu yokuzvidzivirira nayo muhondo. Ndinodaidzira kuna TENZI; iye anofanira kurumbidzwa, ndinobva ndatonunurwa kuna vanondivenga. Nokuti misungo yorufu yakandikomberedza, mafashamo ohumharadzi akandirwisa. Tambo dzenzvimbo yavachakabvu dzakandikochekera mariva orufu akandigaririra. Munhamo yangu iyi ndakachema kuna TENZI. Ndakachema kuna iye Mwari wangu, kuti andibatsire muTemberi yake, iye akanzwa izwi rangu, kuchema kwangu kukasvika munzeve dzake. Nyika yakadedera ikandengendeka, nheyowo dzamakomo dzakazunguzika dzikatetemera nokuti akanga ashatirwa. Akafemeruka utsi mumhuno dzake, mukanwa make aine rimi romoto rinororomesa. Mukabuda mazimbe anobvira moto. Akabvarura denga akaburuka, gore dema riri pasi petsoka dzake. Akanga akakwira pakerubhu akabhururuka, akauya nokukurumidza achibhururuka mumhepo. Akaita kuti rima rimukwidibire rakamutenderedza makuti matematema chaiwo emvura akaaita chokuhwanda nacho. Mukupenya kwaiva mberi kwake, pakabuda nomumakore chimvuramahwe namazhenje omoto. TENZI akadhiriridza mumatenga'mu, izwi raNyadenga rikariridza. Kwakaita chivhuramahwe namazimbe omoto. Akakanda miseve yake vakati dzvamu kuparara, akapenyesa mheni vakati ware kuparara. Makoronga omugungwa akaoneka, pagere nyika pakanyatsoti pachena yacha nokutsiura kwenyu, TENZI nedutu rinobva mumhuno dzenyu.
Verenga chikamu Nziyo 18
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Nziyo 18:1-15
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo