Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 18:1-15

Mapisarema 18:1-15 SNA2002

“Ndinokudisai, Jehovha, simba rangu.” Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nomurwiri wangu; Mwari wangu, dombo rangu, wandichavimba naye; Nhoo yangu, norunyanga rwokuponeswa kwangu, shongwe yangu yakakwirira. Ndichadana kuna Jehovha, iye anofanirwa nokurumbidzwa; Naizvozvo ndichaponeswa kuna vavengi vangu. Mabote orufu akandikomba; Uye nzizi dzezvakaipa dzakandivhundusa. Mabote eSheori akandisunga; Misungo yorufu yakandiwira. Pakutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha, Ndikadana kuna Mwari wangu; Akanzwa izwi rangu ari mutemberi yake; Kuchema kwangu pamberi pake kukasvika munzeve dzake. Ipapo nyika yakazununguka, ikadedera; Nheyo dzamakomowo dzakadengenyeka, Dzikazununguswa, nokuti akanga akatsamwa. Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake, Uye moto wakabuda mumuromo make, wakaparadza; Mazimbe akabatidzwa nawo. Akakotamisa kudenga-dengawo, akaburuka; Nerima guru rakanga riri pasi petsoka dzake. Akatasva kerubhi, akabhururuka; Zvirokwazvo, akabhururuka pamapapiro emhepo. Rima akariita nzvimbo yake yokuvanda, tende rake rakamupoteredza; Kusviba kwemvura zhinji, namakore matema okudenga. Nokupenya kwakanga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuura, Nechimvuramabwe namazimbe omoto. Jehovha akatinhirawo kudenga-denga, Wokumusorosoro akataura nezwi rake; Chimvuramabwe namazimbe omoto. Akatuma miseve yake, akavaparadza; Zvirokwazvo, nemheni zhinji, akavavhundusa. Ipapo migero yemvura zhinji yakaonekwa, Uye nheyo dzenyika dzakafukurwa, Nokutuka kwenyu, Jehovha, Nokufema kwomweya wemhino dzenyu.