Ndinokuɗisai, Jehova, simba raŋgu.
Jehova iɗombo raŋgu, nenhare yaŋgu, nomurwiri waŋgu;
Mŋari waŋgu, ɗombo raŋgu, wandicaʋimba naye;
Nhoʋo yaŋgu, norunyaŋga rwokuponeswa kwaŋgu, shoŋgwe yaŋgu yakakwirira.
Ndicaɗana kunaJehova, iye unofanirwa nokurumbidzwa;
Naiɀoɀo ndicaponeswa kunaʋaʋeŋgi ʋaŋgu.
Maɓote orufu akandikomba;
Ʋuye nzizi dzeɀakaipa dzakandivundusa.
Maɓote eSheori akandisuŋga;
Misuŋgo yorufu yakandiwira.
Pakutambudzika kwaŋgu ndakaɗana kunaJehova,
Ndikaɗana kunaMŋari waŋgu;
Akanzwa inzwi raŋgu ari mutembere yake;
Kucema kwaŋgu pamberi pake kukaȿika munzeʋe dzake.
Ipapo nyika yakazunuŋguka, ikaɗeɗera;
Nheyo dzamakomo ʋo dzakaɗeŋgenyeka,
Dzikazunuŋguswa, nokuti wakaŋga akatsamŋa.
Ʋutsi bgakakwira ʋucibva mumhino dzake,
Ʋuye mŋoto wakaɓuɗa mumuromo make, wakaparadza;
Mazimbe akaɓatidzwa nawo.
Wakakotamisa kuɗeŋga‐ɗeŋga ʋo, akaɓuruka;
Nerima guru rakaŋga riri pasi petsoka dzake.
Wakataȿa kerubi, akabururuka;
Ɀirokwaɀo, wakabururuka pamapapiro emhepo.
Rima wakariita nɀimbo yake yokuʋanda, tente rake rakamupoteredza;
Kuȿiɓa kwemvura zhinji, namakore matema okuɗeŋga.
Nokupenya kwakaŋga kuri pamberi pake makore ake matema akapfuʋura,
Necimvuramabge namazimbe omŋoto.
Jehova wakatinhira ʋo kuɗeŋga‐ɗeŋga,
Wokumsoro‐soro wakataura nenzwi rake;
Cimvuramabge namazimbe omŋoto.
Wakatuma miseʋe yake, akaʋaparadza;
Ɀirokwaɀo, nemheni zhinji, akaʋavundusa.
Ipapo migero yemvura zhinji yakaʋonekwa,
Ʋuye nheyo dzenyika dzakafukurwa,
Nokutuka kwenyu, Jehova,
Nokufema kwomŋeya wemhino dzenyu.