Mapisarema 119:113-128
Mapisarema 119:113-128 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri, asi ndinoda murayiro wenyu. Imi muri utiziro hwangu nenhoo yangu; ndakaisa tariro yangu pashoko renyu. Ibvai kwandiri, imi vaiti vezvakaipa, kuti ndichengete mirayiro yaMwari wangu! Nditsigirei sezvamakavimbisa, ipapo ndichararama; musarega tariro yangu ichidzimwa. Nditsigirei, ipapo ndicharwirwa; ndicharamba ndine hanya nemitemo yenyu. Munoramba vose vanotsauka pamitemo yenyu, nokuti kunyengera kwavo hakuna maturo. Vakaipa vose venyika munovaita sengura; naizvozvo ndinoda zvamakatema. Nyama yangu inodedera nokuda kwokukutyai; ndinomira ndichitya mirayiro yenyu. Ndakaita zvakarurama nokururamisira; musandisiya mumaoko avadzvinyiriri vangu. Itai kuti muranda wenyu agare zvakanaka; musarega vanozvikudza vachimudzvinyirira. Meso angu aneta nokutsvaka ruponeso rwenyu, ndichitsvaga vimbiso yenyu yakarurama. Itirai muranda wenyu zvinoringana norudo rwenyu, uye ndidzidzisei mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu; ndipeiwo kunzvera kuti ndigonzwisisa zvamakatema. Haiwa Jehovha, inguva yenyu yokubata; murayiro wenyu uri kuputswa. Nokuti ndinoda mirayiro yenyu kupfuura goridhe, kupfuura goridhe rakanatswa, uye nokuti ndinoti zvirevo zvenyu zvose zvakarurama, ndinovenga nzira dzose dzakaipa.
Mapisarema 119:113-128 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinovenga vane mwoyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu. Imi muri chivando changu nenhoo yangu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu. Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu. Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu. Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyengera kwavo inhema. Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu. Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga. Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu. Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka; Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza. Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu. Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu. Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka. Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Mapisarema 119:113-128 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri asi chandinoda mutemo wenyu. Sameki Ndimi mudziviriri wangu nenhowo yangu, ndinovimba neshoko renyu. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa kuti ndiwane machengetero emitemo yaMwari wangu. Nditsigireiwo sokutsidza kwamakaita kuitira kuti ndirarame, musaite kuti ndinyare nechitarisiro changu. Nditsigirei ndichengeteke ndirambe mwoyo uri pamitemo yenyu. Munorasa vanhu vose vanotsauka pamitemo yenyu nokuti varevi venhema, vanyengedzi. Munoshora vakaipa samagufu, nokudaro ndinoda mitemo yenyu. Ndinodedera nokukutyai; ndinotya kutonga kwenyu. Ndakaita zviri pamutemo uye zvakarurama musandisiye mumaoko avanondidzvinyiriri vangu. Aini Tsidzai kuti ndimi muchabatsira ini muranda wenyu. Musarege vanozvikudza vachindidzvinyirira. Meso angu aneta nokutarisira ruponeso rwenyu nokuzadzikiswa kwechitsidzo chenyu chakarurama. Ndiitireiwo mwoyochena mundidzidzisewo mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndizive mitemo yenyu. Yasvika zvino nguva TENZI yokuti muchiwana zvamunoita nokuti mutemo uri kutyorwa. Naizvozvo ndinoda mitemo yenyu kupinda ndarama, kupinda ndarama yakanakisisa. Nezvo nemitemo yenyu ndinowana nzira kwayo, ndinovenga maitiro ose ounyengedzi.
Mapisarema 119:113-128 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinoʋeŋga ʋanemŋoyo miʋiri; Asi ndinoɗa murau wenyu. Imi muri ciʋando caŋgu nenhoʋo yaŋgu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita ɀakaipa; Kuti ndiceŋgete mirairo yaMŋari waŋgu. Nditsigirei seɀinoreʋa shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwaŋgu. Nditsigirei, ndiceŋgetwe, Ndigoramba ndiciraŋgarira mitemo yenyu. Makaɀidza ʋose ʋanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyeŋgera kwaʋo inhema. Ʋakaipa ʋose ʋapasi munoʋagumisa sefuro; Saka ndinoɗa ɀipupuriro ɀenyu. Nyama yaŋgu inobvunda nokukutyai; Ndinotya ɀamakatoŋga. Ndakaita ɀakatoŋgwa neɀakarurama; Musandiisa kuʋamanikidzi ʋaŋgu. Iʋai ruɓatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe ɀakanaka; Ʋanoɀikudza ŋgaʋarege kundimanikidza. Meso aŋgu apera nokutȿaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu noʋunyoro bgenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndiziʋe ɀipupuriro ɀenyu. Iŋguʋa yaJehova yokuɓata nayo; Nokuti ʋakaputsa murau wenyu. Saka ndinoɗa mirairo yenyu Kupfuʋura ndarama, ɀirokwaɀo, kupfuʋura ndarama yakaiȿo‐naka. Saka ndinoti, ɀireʋo ɀenyu ɀose pamsoro peɀose ɀakarurama; Ndinoʋeŋga nzira dzose dzenhema.
Mapisarema 119:113-128 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)