Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 119:113-128

Nziyo 119:113-128 SCLB

Ndinovenga vanhu vane mwoyo miviri asi chandinoda mutemo wenyu. Sameki Ndimi mudziviriri wangu nenhowo yangu, ndinovimba neshoko renyu. Ibvai kwandiri imi vaiti vezvakaipa kuti ndiwane machengetero emitemo yaMwari wangu. Nditsigireiwo sokutsidza kwamakaita kuitira kuti ndirarame, musaite kuti ndinyare nechitarisiro changu. Nditsigirei ndichengeteke ndirambe mwoyo uri pamitemo yenyu. Munorasa vanhu vose vanotsauka pamitemo yenyu nokuti varevi venhema, vanyengedzi. Munoshora vakaipa samagufu, nokudaro ndinoda mitemo yenyu. Ndinodedera nokukutyai; ndinotya kutonga kwenyu. Ndakaita zviri pamutemo uye zvakarurama musandisiye mumaoko avanondidzvinyiriri vangu. Aini Tsidzai kuti ndimi muchabatsira ini muranda wenyu. Musarege vanozvikudza vachindidzvinyirira. Meso angu aneta nokutarisira ruponeso rwenyu nokuzadzikiswa kwechitsidzo chenyu chakarurama. Ndiitireiwo mwoyochena mundidzidzisewo mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipeiwo kunzwisisa kuti ndizive mitemo yenyu. Yasvika zvino nguva TENZI yokuti muchiwana zvamunoita nokuti mutemo uri kutyorwa. Naizvozvo ndinoda mitemo yenyu kupinda ndarama, kupinda ndarama yakanakisisa. Nezvo nemitemo yenyu ndinowana nzira kwayo, ndinovenga maitiro ose ounyengedzi.

Verenga chikamu Nziyo 119