Ndinovenga vane mwoyo miviri; Asi ndinoda murau wenyu. Imi muri chivando changu nenhoo yangu; Ndinotarira shoko renyu. Ibvai kwandiri, imi munoita zvakaipa; Kuti ndichengete mirairo yaMwari wangu. Nditsigirei sezvinoreva shoko renyu, kuti ndirarame; Kuti ndirege kunyadziswa pakutarira kwangu. Nditsigirei, ndichengetwe, Ndigoramba ndichirangarira mitemo yenyu. Makazvidza vose vanotsauka pamitemo yenyu; Nokuti kunyengera kwavo inhema. Vakaipa vose vapasi munovagumisa sefuro; Saka ndinoda zvipupuriro zvenyu. Nyama yangu inobvunda nokukutyai; Ndinotya zvamakatonga. Ndakaita zvakatongwa nezvakarurama; Musandiisa kuvamanikidzi vangu. Ivai rubatso rwomuranda wenyu kuti ndiitirwe zvakanaka; Vanozvikudza ngavarege kundimanikidza. Meso angu apera nokutsvaka kuponesa kwenyu, Neshoko renyu rakarurama. Itirai muranda wenyu nounyoro hwenyu, Mundidzidzise mitemo yenyu. Ndiri muranda wenyu, ndipei njere; Kuti ndizive zvipupuriro zvenyu. Inguva yaJehovha yokubata nayo; Nokuti vakaputsa murau wenyu. Saka ndinoda mirairo yenyu Kupfuura ndarama, zvirokwazvo, kupfuura ndarama yakaisvonaka. Saka ndinoti, zvirevo zvenyu zvose pamusoro pezvose zvakarurama; Ndinovenga nzira dzose dzenhema.
Verenga chikamu Mapisarema 119
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 119:113-128
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo