Mapisarema 104:18-35
Mapisarema 104:18-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira. Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana. Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhama, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira. Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka. Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva. Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake, iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi. Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu. Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha. Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve.

Mapisarema 104:18-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndihwo utiziro hwembira. Akatara mwedzi kuti uratidze nguva; Zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munoita rima, usiku ndokuvapo; Panguva iyo mhuka dzose dzedondo dzinobuda. Vana veshumba vanoomba vachitsvaka zvavangauraya, Vanotsvaka zvokudya zvavo kuna Mwari. Kana zuva richibuda, dzinoenda hadzo, Dzichindovata mumapako adzo. Zvino munhu obudira kubasa rake. Nokumurimo wake kusvikira madekwana. Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nepfuma yenyu. Hero gungwa, rakakura ibamhi, Mukati maro mune zvinhu zvinokambaira zvisingagoni kuverengwa, Zvipenyu zviduku nezvikuru. Hezvo zvikepe, zvinofamba; Heyo ngwena yamakaumba, kuti itambe mariri. Izvi zvose zvinokumirirai, Kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira. Zvamunozvipa imi, ndizvo zvazvinounganidza; Munotadzanura ruoko rwenyu, izvo ndokuguta nezvakanaka. Munovanza chiso chenyu, izvo ndokuvhunduswa; Munozvitorera mweya wazvo, izvo ndokufa, Zvichidzokera kuguruva razvo. Munotuma mweya wenyu, izvo ndokusikwa; Munovandudza chiso chevhu. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafarire mabasa ake; Iye anotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unonyangata makomo, iwo ndokubudisa utsi. Ndichaimbira Jehovha panguva yose youpenyu hwangu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiripo. Kurangarira kwangu ngakumufadze; Ndichafara kwazvo muna Jehovha. Vatadzi ngavaparadzwe pasi, Navakaipa ngavarege kuzovapo. Rumbidzai Jehovha, mweya wangu. Hareruya
Mapisarema 104:18-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Makomo marefu ndeembudzi dzomusango mumatombo ndimo munovanda mbira. Makaita mwedzi kuti utare mwaka; zuva rinoziva nguva yokudoka. Munoita kuti kuite rima huchibva hwava usiku. Mhuka dzose dzesango ndipo padzinobva dzabuda. Shumba dzechidiki dzinodzvovera chokudya dzichitsvaka chokudya chadzo kuna Mwari. Kana zuva rabuda dzinobva dzondorara munzvimbo yadzo. Munhu anobudawo achienda kubasa rake, kumushando wake kusvikira manheru. TENZI hakusi kuwanda ikoko kwakaita zvamakaita, makazviita zvose noungwaru nyika izere nezvisikwa zvenyu. Ukowo uko hero gungwa rakakura uye rakapamhama rinebvakapfaka rezvinhu zvisingaverengeki, zvinhu zvipenyu zvidiki nezvikuru. Uko heyo ngarava iri kufamba nezigaranyanya ramakasika kuti mutambe zvenyu naro. Zvose izvozvi zvinotarisa kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva kwayo. Zvamunozvipa ndizvo zvazvinounganidza, mukatambanudza ruoko rwenyu izvo zvinobva zvagutswa nezvinhu zvakanaka. Mukangovanza uso hwenyu, izvo zvinobva zvadumbirwa. Mukabvisa femo razvo zvinobva zvafa zvichibva zvadzokera kuvhu kwazvo. Mukatuma mweya wenyu zvinobva zvasikwa, muchitobva mavandudza pasi. Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi Mwari ngaafarire mabasa ake; iye anoti akatarisa pasi, panobva pandengendeka, akabata makomo, anobva apwititika utsi. Ndichaimbira TENZI upenyu hwangu hwose. Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu ndiri mupenyu. Dai waro munamato wangu wokurangarira kwangu kwangomufadza nokuti ndinofara naMwari. Vatadzi ngavaparadzwe panyika vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza TENZI iwe mweya wangu TENZI ngaarumbidzwe.
Mapisarema 104:18-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndibgo ʋutiziro bgembira. Wakatara mŋedzi kuti uratidze ŋguʋa; Zuʋa rinoziʋa ŋguʋa yokuʋira kwaro. Munoita rima, ʋusiku ndokuʋa’po; Paŋguʋa iyo mhuka dzose dzeɗondo dzinoɓuɗa. Ʋana ʋeshumba ʋanoʋomba ʋacitȿaka ɀaʋaŋgaʋuraya, Ʋanotȿaka ɀokudya ɀaʋo kunaMŋari. Kana zuʋa riciɓuɗa, dzinoenda hadzo, Dzicindoʋata mumapako adzo. Ɀino munhu woɓuɗira kuɓasa rake. Nokumurimo wake kuȿikira maɗekwana. Haiwa Jehova, maɓasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nefuma yenyu. Hero guŋgwa, rakakura iɓamhi, Mukati maro muneɀinhu ɀinokambaira ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa, Ɀipenyu ɀiɗuku neɀikuru. Heɀo ɀikepe, ɀinofamba; Heyo ŋgwena yamakaʋumba, kuti itambe mariri. Iɀi ɀose ɀinokumirirai, Kuti muɀipe ɀokudya ɀaɀo neŋguʋa yakafanira. Ɀamunoɀipa imi, ndiɀo ɀaɀinoʋuŋganidza; Munotadzanura ruʋoko rwenyu, iɀo ndokuguta neɀakanaka. Munoʋanza ciso cenyu, iɀo ndokuvunduswa; Munoɀitorera mŋeya waɀo, iɀo ndokufa, Ɀicidzokera kuguruʋa raɀo. Munotuma mŋeya wenyu, iɀo ndokusikwa; Munoʋandudza ciso cevu. Kubginya kwaJehova ŋgakugare nokusiŋgaperi; Jehova ŋgaafarire maɓasa ake; Iye unotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unonyaŋgata makomo, iwo ndokuɓuɗisa ʋutsi. Ndicaimbira Jehova paŋguʋa yose yoʋupenyu bgaŋgu; Ndicaimbira Mŋari waŋgu nziyo dzokurumbidza ndiciri’po. Kuraŋgarira kwaŋgu ŋgakumufadze; Ndicafara kwaɀo munaJehova. Ʋatadzi ŋgaʋaparadzwe pasi, Naʋakaipa ŋgaʋarege kuzoʋa’po. Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu. Hareruya.
Mapisarema 104:18-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)