Makomo marefu ndeengururu; mapako ndiwo utiziro hwembira. Mwedzi unotara nguva, uye zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munouyisa rima, usiku hugovapo, uye zvikara zvose zvesango zvinobuda kundovhima. Shumba dzinoomba dzichitsvaka nyama, uye dzinotsvaka zvokudya zvadzo kubva kuna Mwari. Kana zuva robuda, idzo dzinoenda kure; dzinodzokera dzondovata mumapako adzo. Ipapo munhu anobuda oenda kubasa rake, kumushando wake kusvikira madekwana. Haiwa Jehovha, mabasa enyu manganiko! Makaaita ose nenjere; nyika izere nezvisikwa zvenyu. Hero gungwa, rakakura uye rakapamhama, rine zvisikwa zvisingagoni kuverengwa, zvipenyu zvikuru nezviduku. Hezvo zvikepe zvinofamba-famba, nengwena, yamakaumba kuti itambemo. Zvose izvi zvinotarira kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira. Pamunozvipa, zvinozviunganidza; pamunozarura ruoko rwenyu, izvo zvinogutswa nezvinhu zvakanaka. Pamunovanza chiso chenyu, izvo zvinovhundutswa; pamunozvitorera mweya, izvo zvinofa uye zvinodzokera kuguruva. Pamunotuma Mweya wenyu, izvo zvinosikwa, uye munovandudza chiso chenyika. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafare nebasa rake, iye anotarira nyika, yobva yabvunda, iye anobata makomo obva apwititika utsi. Ndichaimbira Jehovha upenyu hwangu hwose; ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu. Kurangarira kwangu ngakumufadze, pandinofara muna Jehovha. Asi vatadzi ngavaparadzwe panyika, uye vakaipa ngavarege kuzovapozve.
Verenga chikamu Mapisarema 104
Terera ku Mapisarema 104
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 104:18-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo