Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndihwo utiziro hwembira. Akatara mwedzi kuti uratidze nguva; Zuva rinoziva nguva yokuvira kwaro. Munoita rima, usiku ndokuvapo; Panguva iyo mhuka dzose dzedondo dzinobuda. Vana veshumba vanoomba vachitsvaka zvavangauraya, Vanotsvaka zvokudya zvavo kuna Mwari. Kana zuva richibuda, dzinoenda hadzo, Dzichindovata mumapako adzo. Zvino munhu obudira kubasa rake. Nokumurimo wake kusvikira madekwana. Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nepfuma yenyu. Hero gungwa, rakakura ibamhi, Mukati maro mune zvinhu zvinokambaira zvisingagoni kuverengwa, Zvipenyu zviduku nezvikuru. Hezvo zvikepe, zvinofamba; Heyo ngwena yamakaumba, kuti itambe mariri. Izvi zvose zvinokumirirai, Kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva yakafanira. Zvamunozvipa imi, ndizvo zvazvinounganidza; Munotadzanura ruoko rwenyu, izvo ndokuguta nezvakanaka. Munovanza chiso chenyu, izvo ndokuvhunduswa; Munozvitorera mweya wazvo, izvo ndokufa, Zvichidzokera kuguruva razvo. Munotuma mweya wenyu, izvo ndokusikwa; Munovandudza chiso chevhu. Kubwinya kwaJehovha ngakugare nokusingaperi; Jehovha ngaafarire mabasa ake; Iye anotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unonyangata makomo, iwo ndokubudisa utsi. Ndichaimbira Jehovha panguva yose youpenyu hwangu; Ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiripo. Kurangarira kwangu ngakumufadze; Ndichafara kwazvo muna Jehovha. Vatadzi ngavaparadzwe pasi, Navakaipa ngavarege kuzovapo. Rumbidzai Jehovha, mweya wangu. Hareruya
Verenga chikamu Mapisarema 104
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 104:18-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo