Makomo marefu ndeetsoma; Matombo ndibgo ʋutiziro bgembira. Wakatara mŋedzi kuti uratidze ŋguʋa; Zuʋa rinoziʋa ŋguʋa yokuʋira kwaro. Munoita rima, ʋusiku ndokuʋa’po; Paŋguʋa iyo mhuka dzose dzeɗondo dzinoɓuɗa. Ʋana ʋeshumba ʋanoʋomba ʋacitȿaka ɀaʋaŋgaʋuraya, Ʋanotȿaka ɀokudya ɀaʋo kunaMŋari. Kana zuʋa riciɓuɗa, dzinoenda hadzo, Dzicindoʋata mumapako adzo. Ɀino munhu woɓuɗira kuɓasa rake. Nokumurimo wake kuȿikira maɗekwana. Haiwa Jehova, maɓasa enyu mazhinji sei! Makaaita ose nenjere; Pasi pazere nefuma yenyu. Hero guŋgwa, rakakura iɓamhi, Mukati maro muneɀinhu ɀinokambaira ɀisiŋgagoni kuʋereŋgwa, Ɀipenyu ɀiɗuku neɀikuru. Heɀo ɀikepe, ɀinofamba; Heyo ŋgwena yamakaʋumba, kuti itambe mariri. Iɀi ɀose ɀinokumirirai, Kuti muɀipe ɀokudya ɀaɀo neŋguʋa yakafanira. Ɀamunoɀipa imi, ndiɀo ɀaɀinoʋuŋganidza; Munotadzanura ruʋoko rwenyu, iɀo ndokuguta neɀakanaka. Munoʋanza ciso cenyu, iɀo ndokuvunduswa; Munoɀitorera mŋeya waɀo, iɀo ndokufa, Ɀicidzokera kuguruʋa raɀo. Munotuma mŋeya wenyu, iɀo ndokusikwa; Munoʋandudza ciso cevu. Kubginya kwaJehova ŋgakugare nokusiŋgaperi; Jehova ŋgaafarire maɓasa ake; Iye unotarira pasi, ipo ndokubvunda; Unonyaŋgata makomo, iwo ndokuɓuɗisa ʋutsi. Ndicaimbira Jehova paŋguʋa yose yoʋupenyu bgaŋgu; Ndicaimbira Mŋari waŋgu nziyo dzokurumbidza ndiciri’po. Kuraŋgarira kwaŋgu ŋgakumufadze; Ndicafara kwaɀo munaJehova. Ʋatadzi ŋgaʋaparadzwe pasi, Naʋakaipa ŋgaʋarege kuzoʋa’po. Rumbidza Jehova, mŋeya waŋgu. Hareruya.
Verenga chikamu Mapisarema 104
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 104:18-35
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo