Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Nziyo 104:18-35

Nziyo 104:18-35 SCLBD

Makomo marefu ndeembudzi dzomusango mumatombo ndimo munovanda mbira. Makaita mwedzi kuti utare mwaka; zuva rinoziva nguva yokudoka. Munoita kuti kuite rima huchibva hwava usiku. Mhuka dzose dzesango ndipo padzinobva dzabuda. Shumba dzechidiki dzinodzvovera chokudya dzichitsvaka chokudya chadzo kuna Mwari. Kana zuva rabuda dzinobva dzondorara munzvimbo yadzo. Munhu anobudawo achienda kubasa rake, kumushando wake kusvikira manheru. TENZI hakusi kuwanda ikoko kwakaita zvamakaita, makazviita zvose noungwaru nyika izere nezvisikwa zvenyu. Ukowo uko hero gungwa rakakura uye rakapamhama rinebvakapfaka rezvinhu zvisingaverengeki, zvinhu zvipenyu zvidiki nezvikuru. Uko heyo ngarava iri kufamba nezigaranyanya ramakasika kuti mutambe zvenyu naro. Zvose izvozvi zvinotarisa kwamuri kuti muzvipe zvokudya zvazvo nenguva kwayo. Zvamunozvipa ndizvo zvazvinounganidza, mukatambanudza ruoko rwenyu izvo zvinobva zvagutswa nezvinhu zvakanaka. Mukangovanza uso hwenyu, izvo zvinobva zvadumbirwa. Mukabvisa femo razvo zvinobva zvafa zvichibva zvadzokera kuvhu kwazvo. Mukatuma mweya wenyu zvinobva zvasikwa, muchitobva mavandudza pasi. Mbiri yaMwari ngaigare nokusingaperi Mwari ngaafarire mabasa ake; iye anoti akatarisa pasi, panobva pandengendeka, akabata makomo, anobva apwititika utsi. Ndichaimbira TENZI upenyu hwangu hwose. Ndichaimba ndichirumbidza Mwari wangu ndiri mupenyu. Dai waro munamato wangu wokurangarira kwangu kwangomufadza nokuti ndinofara naMwari. Vatadzi ngavaparadzwe panyika vakaipa ngavarege kuzovapozve. Rumbidza TENZI iwe mweya wangu TENZI ngaarumbidzwe.

Verenga chikamu Nziyo 104