Zvirevo 6:16-35
Zvirevo 6:16-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pane zvinhu zvitanhatu zvakavengwa naJehovha, zvinomwe zvinomunyangadza zvinoti: meso anozvikudza, rurimi runoreva nhema, maoko anodeura ropa risina mhosva, mwoyo unoronga mano akaipa, tsoka dzinokurumidza kumhanyira muzvakaipa, chapupu chenhema chinodurura nhema, uye munhu anomutsa kupesana pakati pehama. Mwanakomana wangu, chengetedza mirayiro yababa vako, uye usarasa kudzidzisa kwamai vako. Zvisungirire pamwoyo wako nokusingaperi; uzvishonge pamutsipa wako. Paunofamba zvichakutungamirira; paucharara, zvichakurinda; pauchamuka, zvichataura newe. Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu, kunokuchengetedza pamukadzi asingazvibati, kubva parurimi runonyengera rwomudzimai asingazvibati. Usachiva runako rwake mumwoyo mako, kana kumurega achikubata namaziso ake, nokuti chifeve chinokuderedza kusvikira wafanana nechingwa, uye mukadzi womumwe asi ari chifeve anoendesa upenyu hwako chaihwo kurufu. Ko, munhu angaisa moto pamakumbo ake, nguo dzake dzikasatsva here? Ko, munhu angafamba pamazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasatsva here? Ndizvo zvakaita uyo anorara nomudzimai womumwe murume; hapana angabate mukadzi iyeyo akasarangwa. Vanhu havazvidzi mbavha kana ikaba kuti ipedze nzara yayo painenge yoziya. Asi kana akabatwa, anofanira kuripa kakapetwa kanomwe, kunyange zvichimutorera pfuma yose yeimba yake. Asi munhu anoita upombwe, anoshayiwa njere; ani naani anozviita anozviparadza iye pachake. Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi; nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume, uye haanganzwiri tsitsi kana otsiva. Haangagamuchiri muripo upi zvawo; acharamba fufuro, kunyange rakakura sei.
Zvirevo 6:16-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka; Mwoyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama. Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. Uzvisungire nguva dzose pamwoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako. Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe. Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu; Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake. Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha. Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, Nguo dzake dzikasatsva here? Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here? Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa. Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara. Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nepfuma yose yeimba yake. Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo. Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopisikwi. Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva. Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.
Zvirevo 6:16-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pane zvinhu zvitanhatu zvisingadiwi naTenzi zvinotosvika zvinomwe zvinosemesa kwaari, zvinoti: Kuzvikudza, nokunyepa maoko anodeura ropa risina mhosva nomwoyo unoronga zvirongwa zvakaipa netsoka dzinomhanyirira kune zvakaipa chapupu chenhema chinotaura manyepo munhu anomutsa gakava pakati pehama. Mwanangu chengeta mitemo yababa vako, usakande pasi mirao yaamai vako isungirire mumwoyo mako isungirire muhuro mako nguva dzose. Kana wofamba inokutungamirira, kana worara inokuchengetedza. Kana wakasvinura inokurukura newe. Chandinodariro ndechokuti mutemo mwenje, murao chiedza kutsiurwa nokudzidziswa ndiwo mafambiro ohupenyu kuitira kuti zvikudzivirire kumukadzi wakaipa kururimi rwunotapira rwomukadzi pfambi. Usatorwe mwoyo norunako rwake usabatwe kumeso netsiye dzake. Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu. Munhu angatakure moto pachipfuva, hanzu dzake dzikarega kutsva here? Kana kuti munhu angafambe pamavhunze anopisa, tsoka dzake dzikarega kutsva here? Ndizvo zvakaita munhu anoenda kumukadzi womumwe hakuna anomubata bata akarega kurangwa. Handiti vanhu vanoshora mbavha here inenge yaba kuti irape nzara yayo? Asi ikabatwa inoripiswa kakapetwa kanomwe inobvisa upfumi hwose hwomumusha mayo. Munhu anoita upombwe haana njere, anoita zvakadai kuzviuraya chaanowana ipapa maronda nokushorwa uye kuzvidzwa kwako hakufe kwakabva nokuti shanje inoitisa munhu hasha, kana wotsividza anotsividza zvisina tsitsi zvokuti pakaripwa haambozviona kana kugadzana mwoyo nokumupa kwako zvipo zvakawanda.
Zvirevo 6:16-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinhu ɀitanhatu ɀiri’ko ɀinoʋeŋgwa naJehova; Ɀirokwaɀo, tiŋgati kuneɀinomŋe, ɀinomunyaŋgadza, ɀinoti: Meso ounoɀikudza, rurimi runoreʋa nhema, Maʋoko anoɗurura ropa risinemhaka; Mŋoyo unofuŋga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuʋaŋgira ɀakashata; Capupu cinonyeŋgera cinoreʋa nhema, Ʋuye unokusha kupesana pakati pehama. Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta murairo waɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako. Uɀisuŋgire ŋguʋa dzose pamŋoyo wako; Uɀishoŋge pamutsipa wako. Kana ucifamba, ɀicakutuŋgamirira; Kana uciʋata pasi, ɀicakurinda; Kana womuka, ɀicataurirana newe. Nokuti murairo ndiwo mŋenje; murau ndico ciedza; Kuraira kwokurairirwa inzira yoʋupenyu; Kuti uceŋgetwe pamukadzi wakaipa, Pakuɓata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usaciʋa kunaka kwake mumŋoyo mako; Arege kukuɓata namafuŋgiro ameso ake. Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pakudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa; Mukadzi womumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha. Ko munhu uŋgaisa mŋoto mucifuʋa cake, Ŋguʋo dzake dzikasatȿa here? Kana munhu uŋgatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here? Ndiɀo ɀakaita munhu unopinda kumukadzi wowokwake; Aninani unomunyaŋgata iye mukadzi haaŋgaregwi kurobga. Ʋanhu haʋaŋgaɀidzi muɓi kana aciɓa Kuti agute kana aciŋge anenzara. Asi kana akaɓatwa unofanira kudzosera ɀaʋa ɀinomŋe; Unofanira kuripa nefuma yose yeimba yake. Unoita ʋupombge nomukadzi, unoshaiwa njere; Unoɗa kuparadza ʋupenyu bgake ndiye unoita iɀoɀo. Ucaŋgoɀiwanira maʋaŋga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakuŋgatoŋgopisikwi. Nokuti goɗo rinomutsa hasha dzomurume; Haaŋganzwiri tsitsi pazuʋa rokutsiʋa. Haaŋgaʋi nehanya nomuripo; Haaŋgatendi, kunyaŋge ukamuʋigira ɀipo ɀizhinji.
Zvirevo 6:16-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)