Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 6:16-35

Ɀireʋo 6:16-35 SUB1949

Ɀinhu ɀitanhatu ɀiri’ko ɀinoʋeŋgwa naJehova; Ɀirokwaɀo, tiŋgati kuneɀinomŋe, ɀinomunyaŋgadza, ɀinoti: Meso ounoɀikudza, rurimi runoreʋa nhema, Maʋoko anoɗurura ropa risinemhaka; Mŋoyo unofuŋga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuʋaŋgira ɀakashata; Capupu cinonyeŋgera cinoreʋa nhema, Ʋuye unokusha kupesana pakati pehama. Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta murairo waɓaɓa ʋako; Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako. Uɀisuŋgire ŋguʋa dzose pamŋoyo wako; Uɀishoŋge pamutsipa wako. Kana ucifamba, ɀicakutuŋgamirira; Kana uciʋata pasi, ɀicakurinda; Kana womuka, ɀicataurirana newe. Nokuti murairo ndiwo mŋenje; murau ndico ciedza; Kuraira kwokurairirwa inzira yoʋupenyu; Kuti uceŋgetwe pamukadzi wakaipa, Pakuɓata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usaciʋa kunaka kwake mumŋoyo mako; Arege kukuɓata namafuŋgiro ameso ake. Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pakudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa; Mukadzi womumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha. Ko munhu uŋgaisa mŋoto mucifuʋa cake, Ŋguʋo dzake dzikasatȿa here? Kana munhu uŋgatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here? Ndiɀo ɀakaita munhu unopinda kumukadzi wowokwake; Aninani unomunyaŋgata iye mukadzi haaŋgaregwi kurobga. Ʋanhu haʋaŋgaɀidzi muɓi kana aciɓa Kuti agute kana aciŋge anenzara. Asi kana akaɓatwa unofanira kudzosera ɀaʋa ɀinomŋe; Unofanira kuripa nefuma yose yeimba yake. Unoita ʋupombge nomukadzi, unoshaiwa njere; Unoɗa kuparadza ʋupenyu bgake ndiye unoita iɀoɀo. Ucaŋgoɀiwanira maʋaŋga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakuŋgatoŋgopisikwi. Nokuti goɗo rinomutsa hasha dzomurume; Haaŋganzwiri tsitsi pazuʋa rokutsiʋa. Haaŋgaʋi nehanya nomuripo; Haaŋgatendi, kunyaŋge ukamuʋigira ɀipo ɀizhinji.

Verenga chikamu Ɀireʋo 6