Ɀireʋo 6
6
Njodzi yoruɓatso.
1Mŋanakomana waŋgu, kana uciŋge wakaɀiitira wokwako ruɓatso,
Waɀisuŋga nokuɗa kwomutorwa noruʋoko rwako,
2Waɀiteya namashoko omuromo wako,
Waɓatwa namashoko omuromo wako,
3Ɀino ita kuɗai, mŋanakomana waŋgu, uɀirwire,
Ɀawaɓatwa noruʋoko rwowokwako:
Enda, undoɀininipisa, ukumbire ɀikuru kunowokwako.
4Usatendera meso ako hope,
Kana mafuŋgiro ameso ako kutsimŋaira;
5Uɀirwire semhara paruʋoko rwomuvimi,
Seshiri paruʋoko rwomuteyi.
Simbe inotukwa.
6Enda kumujuru, iwe simbe;
Cerekedza nzira dzawo, ugoʋa wakacenjera!
7Kunyaŋge iwo usinomutoŋgi,
Kana mutariri kana muɓati,
8Unogadzira ɀokudya ɀawo muzhezha,
Nokuʋuŋganidza ɀokudya ɀawo mukukohwa.
9Iwe simbe, ucaʋata pasi kuȿikira riniko?
Ucamuka riniko pahope dzako?
10Kumboʋata ɀishomanene, kumbotsimŋaira ɀishomanene,
Kumbofuŋgatira maʋoko ɀishomanene, ndizorore;
11Saiɀoɀo ʋurombo bgako ʋucaȿika segororo,
Nokushaiwa kwako somunhu wakashoŋga nhumbi dzokurwa.
Ɀinoʋeŋgwa naMŋari.
12Munhu usinamaturo, munhu unoita ɀakaipa,
Ndiye unofamba nomuromo unenhema;
13Unobgaira nameso ake, unotendekera netsoka dzake,
Unoɗudzira neminwe yake;
14Uneɀisakarurama pamŋoyo pake,
Unosifuŋgira ʋamŋe ɀakaipa,
Unokusha kupesana.
15Saka njodzi yake icamuwira kamŋe‐kamŋe;
Ucavuniwa pakarepo, kusina‐ciŋgamuɓatsira.
16Ɀinhu ɀitanhatu ɀiri’ko ɀinoʋeŋgwa naJehova;
Ɀirokwaɀo, tiŋgati kuneɀinomŋe, ɀinomunyaŋgadza, ɀinoti:
17Meso ounoɀikudza, rurimi runoreʋa nhema,
Maʋoko anoɗurura ropa risinemhaka;
18Mŋoyo unofuŋga mano akaipa,
Tsoka dzinokurumidza kuʋaŋgira ɀakashata;
19Capupu cinonyeŋgera cinoreʋa nhema,
Ʋuye unokusha kupesana pakati pehama.
Kushata kwoʋupombge.
20Mŋanakomana waŋgu, ceŋgeta murairo waɓaɓa ʋako;
Usarasha kudzidzisa kwamai ʋako.
21Uɀisuŋgire ŋguʋa dzose pamŋoyo wako;
Uɀishoŋge pamutsipa wako.
22Kana ucifamba, ɀicakutuŋgamirira;
Kana uciʋata pasi, ɀicakurinda;
Kana womuka, ɀicataurirana newe.
23Nokuti murairo ndiwo mŋenje; murau ndico ciedza;
Kuraira kwokurairirwa inzira yoʋupenyu;
24Kuti uceŋgetwe pamukadzi wakaipa,
Pakuɓata kumeso kworurimi rwomutorwa.
25Usaciʋa kunaka kwake mumŋoyo mako;
Arege kukuɓata namafuŋgiro ameso ake.
26Nokuti nokuɗa kwecifeʋe munhu uŋgaȿikira pakudya cimeɗu ɓedzi ceciŋgwa;
Mukadzi womumŋe munhu unovima ʋupenyu ʋunokosha.
27Ko munhu uŋgaisa mŋoto mucifuʋa cake,
Ŋguʋo dzake dzikasatȿa here?
28Kana munhu uŋgatsika mazimbe anopisa,
Tsoka dzake dzikasapiswa here?
29Ndiɀo ɀakaita munhu unopinda kumukadzi wowokwake;
Aninani unomunyaŋgata iye mukadzi haaŋgaregwi kurobga.
30Ʋanhu haʋaŋgaɀidzi muɓi kana aciɓa
Kuti agute kana aciŋge anenzara.
31Asi kana akaɓatwa unofanira kudzosera ɀaʋa ɀinomŋe;
Unofanira kuripa nefuma yose yeimba yake.
32Unoita ʋupombge nomukadzi, unoshaiwa njere;
Unoɗa kuparadza ʋupenyu bgake ndiye unoita iɀoɀo.
33Ucaŋgoɀiwanira maʋaŋga nokusakudzwa;
Kunyadziswa kwake hakuŋgatoŋgopisikwi.
34Nokuti goɗo rinomutsa hasha dzomurume;
Haaŋganzwiri tsitsi pazuʋa rokutsiʋa.
35Haaŋgaʋi nehanya nomuripo;
Haaŋgatendi, kunyaŋge ukamuʋigira ɀipo ɀizhinji.
Zvasarudzwa nguva ino
Ɀireʋo 6: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018