Ɀinhu ɀitanhatu ɀiri’ko ɀinoʋeŋgwa naJehova;
Ɀirokwaɀo, tiŋgati kuneɀinomŋe, ɀinomunyaŋgadza, ɀinoti:
Meso ounoɀikudza, rurimi runoreʋa nhema,
Maʋoko anoɗurura ropa risinemhaka;
Mŋoyo unofuŋga mano akaipa,
Tsoka dzinokurumidza kuʋaŋgira ɀakashata;
Capupu cinonyeŋgera cinoreʋa nhema,
Ʋuye unokusha kupesana pakati pehama.