Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 6:16-35

Tsumo 6:16-35 SCLB

Pane zvinhu zvitanhatu zvisingadiwi naTenzi zvinotosvika zvinomwe zvinosemesa kwaari, zvinoti: Kuzvikudza, nokunyepa maoko anodeura ropa risina mhosva nomwoyo unoronga zvirongwa zvakaipa netsoka dzinomhanyirira kune zvakaipa chapupu chenhema chinotaura manyepo munhu anomutsa gakava pakati pehama. Mwanangu chengeta mitemo yababa vako, usakande pasi mirao yaamai vako isungirire mumwoyo mako isungirire muhuro mako nguva dzose. Kana wofamba inokutungamirira, kana worara inokuchengetedza. Kana wakasvinura inokurukura newe. Chandinodariro ndechokuti mutemo mwenje, murao chiedza kutsiurwa nokudzidziswa ndiwo mafambiro ohupenyu kuitira kuti zvikudzivirire kumukadzi wakaipa kururimi rwunotapira rwomukadzi pfambi. Usatorwe mwoyo norunako rwake usabatwe kumeso netsiye dzake. Nokuti pfambi inogona kutengwa nemari yechingwa asi mukadzi womumwe anonanga zvokutora upenyu hwakakosha hwomunhu. Munhu angatakure moto pachipfuva, hanzu dzake dzikarega kutsva here? Kana kuti munhu angafambe pamavhunze anopisa, tsoka dzake dzikarega kutsva here? Ndizvo zvakaita munhu anoenda kumukadzi womumwe hakuna anomubata bata akarega kurangwa. Handiti vanhu vanoshora mbavha here inenge yaba kuti irape nzara yayo? Asi ikabatwa inoripiswa kakapetwa kanomwe inobvisa upfumi hwose hwomumusha mayo. Munhu anoita upombwe haana njere, anoita zvakadai kuzviuraya chaanowana ipapa maronda nokushorwa uye kuzvidzwa kwako hakufe kwakabva nokuti shanje inoitisa munhu hasha, kana wotsividza anotsividza zvisina tsitsi zvokuti pakaripwa haambozviona kana kugadzana mwoyo nokumupa kwako zvipo zvakawanda.

Verenga chikamu Tsumo 6