Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 6:16-35

Zvirevo 6:16-35 SNA2002

Zvinhu zvitanhatu zviriko zvinovengwa naJehovha; Zvirokwazvo, tingati kune zvinomwe, zvinomunyangadza, zvinoti: Meso ounozvikudza, rurimi runoreva nhema, Maoko anodurura ropa risina mhaka; Mwoyo unofunga mano akaipa, Tsoka dzinokurumidza kuvangira zvakashata; Chapupu chinonyengera chinoreva nhema, Uye anokusha kupesana pakati pehama. Mwanakomana wangu, chengeta murayiro wababa vako; Usarasha kudzidzisa kwamai vako. Uzvisungire nguva dzose pamwoyo wako; Uzvishonge pamutsipa wako. Kana uchifamba, zvichakutungamirira; Kana uchivata pasi, zvichakurinda; Kana womuka, zvichataurirana newe. Nokuti murayiro ndiwo mwenje; murau ndicho chiedza; Kuraira kwokurairirwa inzira youpenyu; Kuti uchengetwe pamukadzi wakaipa, Pakubata kumeso kworurimi rwomutorwa. Usachiva kunaka kwake mumwoyo mako; Arege kukubata namafungiro ameso ake. Nokuti nokuda kwechifeve munhu angasvikira pakudya chimedu bedzi chechingwa; Mukadzi womumwe munhu anovhima upenyu hunokosha. Ko munhu ungaisa moto muchipfuva chake, Nguo dzake dzikasatsva here? Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, Tsoka dzake dzikasapiswa here? Ndizvo zvakaita munhu anopinda kumukadzi wowokwake; Ani naani anomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa. Vanhu havangazvidzi mubi kana achiba Kuti agute kana achinge ane nzara. Asi kana akabatwa anofanira kudzosera zvava zvinomwe; Anofanira kuripa nepfuma yose yeimba yake. Anoita upombwe nomukadzi, anoshaiwa njere; Anoda kuparadza upenyu hwake ndiye anoita izvozvo. Uchangozviwanira mavanga nokusakudzwa; Kunyadziswa kwake hakungatongopisikwi. Nokuti godo rinomutsa hasha dzomurume; Haanganzwiri tsitsi pazuva rokutsiva. Haangavi nehanya nomuripo; Haangatendi, kunyange ukamuvigira zvipo zvizhinji.

Verenga chikamu Zvirevo 6