Zvirevo 24:23-34
Zvirevo 24:23-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka: Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora. Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo. Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo. Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako. Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere. Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.” Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere; minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka. Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona. Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira, kumbofungatira maoko kuti ndizorore, ipapo urombo huchauya pauri segororo uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.
Zvirevo 24:23-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka. Anoti kune wakaipa, “Akarurama,” Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema. Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo. Anopindura namashoko akarurama, Atsvoda nemiromo. Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako. Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako. Usati, “Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.” Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemidzambiringa womunhu anoshaiwa njere; Tarirai, akanga angomera minzwa chete; Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka. Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa. Kumbovata zvishomanene, kumbotsimwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore; Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.
Zvirevo 24:23-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dzino idzi dzimwe tsumo dzinobva kuvangwaru: Kutonga norusaruro hakuna kunaka. Anoti kumuipi hauna mhosva acharengererwa rushambwa navanhu agovengwa namarudzi asi vanotsiura vakaipa vachafara vachava nechikomborero chakanaka. Kutaura chokwadi hakuputsi ukama. Tanga wagadzira zvokunze'ku zvigadzirirewo munda wako ndokuzovaka musha wako. Usave chapupu chokuroverera mumwe wako pasina mhosva usanyengedze nomuromo wako. Usati kumunhu ndinoda kumuitira sezvaakandiitirawo ndichinotsivawo zvaakandiitira. Ndapfuura nepamunda wenyope napamunda webenzi wemugirepisi. Wonei wakati ndu neminzwa pasi pakazara norukato. Rusvingo rwawo rwakanga rwakapazika Ndakaona ndikarangarira ndakatarisa ndikawona chidzidzo. Kuti regai ndimboti kotsirei kashoma regai ndimboti tsomwairei kashoma ndimboti maoko gumbatei kuzorora zvangu urombo hunobva hwati pauri tutururu segandanga uye kushaiwa kunouya kwauri somunhu akapakata zvombo zvokurwa.
Zvirevo 24:23-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀireʋo iɀi ʋo ɀakabva kunaʋakacenjera: Kutsaura ʋanhu pakutoŋga haɀina‐kunaka. Unoti kunowakaipa: Wakarurama, Ʋanhu ʋacamutuka, nendudzi dzicamusema. Asi ʋanomuraira, ʋacaitirwa ɀakanaka; Ropafadzo yakanaka icaʋuya pamsoro paʋo. Unopindura namashoko akarurama, Unoȿeta miromo. Gadzira ɓasa rako kunze, Uɀigadzirire iro pamunda; Pashure ugoʋaka imba yako. Usaʋa capupu cinopomera wokwako asinemhoȿa; Usanyeŋgedzera nemiromo yako. Usati: Seɀaakandiitira, ndiɀo ɀandicamuitira ʋo; Ndicaripira munhu seɀaakaita iye. Ndakapfuʋura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiriŋga womunhu unoshaiwa njere; Tarirai, wakaŋga waŋgomera minzwa cete; Munda wose wakaŋga wakafukidzwa norukato, Noruȿiŋgo rwawo rwamabge rwakaŋga rwakoromoka. Ipapo ndakacerekedza, ndikanatsofuŋga; Ndakaʋona, ndikadzidziswa. Kumboʋata ɀishomanene, kumbotsimŋaira ɀishomanene, Kumbofuŋgatira maʋoko ɀishomanene, ndizorore; Saiɀoɀo ʋurombo bgako ʋucaȿika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashoŋga nhumbi dzokurwa.
Zvirevo 24:23-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)