Ɀireʋo iɀi ʋo ɀakabva kunaʋakacenjera: Kutsaura ʋanhu pakutoŋga haɀina‐kunaka. Unoti kunowakaipa: Wakarurama, Ʋanhu ʋacamutuka, nendudzi dzicamusema. Asi ʋanomuraira, ʋacaitirwa ɀakanaka; Ropafadzo yakanaka icaʋuya pamsoro paʋo. Unopindura namashoko akarurama, Unoȿeta miromo. Gadzira ɓasa rako kunze, Uɀigadzirire iro pamunda; Pashure ugoʋaka imba yako. Usaʋa capupu cinopomera wokwako asinemhoȿa; Usanyeŋgedzera nemiromo yako. Usati: Seɀaakandiitira, ndiɀo ɀandicamuitira ʋo; Ndicaripira munhu seɀaakaita iye. Ndakapfuʋura napamunda wesimbe, Napamunda wemizambiriŋga womunhu unoshaiwa njere; Tarirai, wakaŋga waŋgomera minzwa cete; Munda wose wakaŋga wakafukidzwa norukato, Noruȿiŋgo rwawo rwamabge rwakaŋga rwakoromoka. Ipapo ndakacerekedza, ndikanatsofuŋga; Ndakaʋona, ndikadzidziswa. Kumboʋata ɀishomanene, kumbotsimŋaira ɀishomanene, Kumbofuŋgatira maʋoko ɀishomanene, ndizorore; Saiɀoɀo ʋurombo bgako ʋucaȿika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu wakashoŋga nhumbi dzokurwa.
Verenga chikamu Ɀireʋo 24
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ɀireʋo 24:23-34
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo