Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 24:23-34

Zvirevo 24:23-34 BDSC

Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka: Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora. Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo. Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo. Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako. Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere. Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.” Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere; minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka. Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona. Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira, kumbofungatira maoko kuti ndizorore, ipapo urombo huchauya pauri segororo uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.