Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 24:23-34

Zvirevo 24:23-34 SNA2002

Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera, Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka. Anoti kune wakaipa, “Akarurama,” Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema. Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka; ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo. Anopindura namashoko akarurama, Atsvoda nemiromo. Gadzira basa rako kunze, Uzvigadzirire iro pamunda; Pashure ugovaka imba yako. Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva; Usanyengedzera nemiromo yako. Usati, “Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo; Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.” Ndakapfuura napamunda wesimbe, Napamunda wemidzambiringa womunhu anoshaiwa njere; Tarirai, akanga angomera minzwa chete; Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato, Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka. Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga; Ndakaona, ndikadzidziswa. Kumbovata zvishomanene, kumbotsimwaira zvishomanene, Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore; Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo, Nokushaiwa kwako somunhu akashonga nhumbi dzokurwa.

Verenga chikamu Zvirevo 24