Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 24:23-34

Tsumo 24:23-34 SCLBD

Dzino idzi dzimwe tsumo dzinobva kuvangwaru: Kutonga norusaruro hakuna kunaka. Anoti kumuipi hauna mhosva acharengererwa rushambwa navanhu agovengwa namarudzi asi vanotsiura vakaipa vachafara vachava nechikomborero chakanaka. Kutaura chokwadi hakuputsi ukama. Tanga wagadzira zvokunze'ku zvigadzirirewo munda wako ndokuzovaka musha wako. Usave chapupu chokuroverera mumwe wako pasina mhosva usanyengedze nomuromo wako. Usati kumunhu ndinoda kumuitira sezvaakandiitirawo ndichinotsivawo zvaakandiitira. Ndapfuura nepamunda wenyope napamunda webenzi wemugirepisi. Wonei wakati ndu neminzwa pasi pakazara norukato. Rusvingo rwawo rwakanga rwakapazika Ndakaona ndikarangarira ndakatarisa ndikawona chidzidzo. Kuti regai ndimboti kotsirei kashoma regai ndimboti tsomwairei kashoma ndimboti maoko gumbatei kuzorora zvangu urombo hunobva hwati pauri tutururu segandanga uye kushaiwa kunouya kwauri somunhu akapakata zvombo zvokurwa.

Verenga chikamu Tsumo 24