Zvirevo 22:17-29
Zvirevo 22:17-29 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nyatsoteerera unzwe mashoko omuchenjeri; isa mwoyo wako kumashoko andinokudzidzisa, nokuti chinhu chinofadza kana ukaachengeta mumwoyo mako, uye ugare wakagadzirira kuataura ose. Kuti uvimbe naJehovha, ndinokudzidzisa nhasi, kunyange iyewe. Handina kukunyorera zvirevo makumi matatu here, mashoko edzidziso noruzivo, kukudzidzisa mashoko echokwadi anovimbika, kuitira kuti ugopa mhinduro dzakafanira kuno uyo akakutuma? Usatorera varombo nokuti varombo, uye usamanikidza vanoshayiwa mudare redzimhosva, nokuti Jehovha achavarwira pamhaka yavo, uye achapamba vanovapamba. Usaita ushamwari nomunhu ane hasha, uye usafambidzana nomunhu anokurumidza kutsamwa, kuti urege kudzidza tsika dzake, uye urege kuzviteya nomusungo. Usava munhu anombunda ruoko pamhiko, kana kuzviita rubatso pazvikwereti; kana usina chaungaripa nacho, uchatorerwa mubhedha wako chaiwo, paurere chaipo. Usabvisa dombo romuganhu wakare, wakaiswapo namadzibaba ako. Unoona munhu ane unyanzvi pabasa rake here? Achashanda pamberi pamadzimambo; haangashandiri vanhu vasina maturo.

Zvirevo 22:17-29 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, Mwoyo wako urangarire zivo yangu. Nokuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako. Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha. Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here? Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here? Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuo; Nokuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwavanovatadzira. Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha; Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo. Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwerete. Kana usina chaungaripa nacho, Achagokutorereiko nhoo dzako pasi pako? Usabvisa muganho wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako. Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikanwi.
Zvirevo 22:17-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rerekera nzeve yako unzwe mazwi avangwaru uise mwoyo wako mune zvandinokuzivisa. Zvichakunakira ukazvichengeta mauri zviri pamuromo pako zvose. Kuitira kuti uvimbe naTenzi, ndada kukuzivisa izvi iyewe nhasi uno. Ndakakunyorera makumi matatu etsumo dzokukupa mazano noruzivo handiti? Izvi kuitira kuti ndikuratidze zvakarurama nezvechokwadi kuitira kuti upe anenge akutuma mhinduro yechokwadi. Usapambe murombo nokuti murombo, usambunyikidze vatamburi padare, nokuti Tenzi achavarwira, achatorera upenyu vanovapamba. Usaite ushamwari nomunhu wehasha kana kufambidzana nemunhu wokutsamwa ungadaro ukadzidza tsika dzake zvikave musungo unokusunga. Usave mumwe wavanoita chitsidzo anova mumiririri wezvikwereti. Kana usina chokuripa nacho vangadaro vakatora mubhedha wako waunorara. Usabvise chitata chakare chomuganhu wenyika chakaiswa namadzibaba ako. Ndiratidzei munhu anoziva basa rake iyeyo ndiye achamira pamberi pamadzimambo haamiri pamberi pavanhu vasingazivikanwi.
Zvirevo 22:17-29 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rerekera nzeʋe yako, unzwe mashoko owakaceŋjera, Mŋoyo wako uraŋgarire ziʋo yaŋgu. Nokuti cinhu cakanaka, kana ucigara naɀo mukati mako, Ŋgaɀigare pamŋe cete pamiromo yako. Ndakakuziʋisa, iyewe, iɀoɀo nhasi, Kuti uʋimbe naJehova. Handina‐kukunyorera mashoko akaiȿo‐naka here, Okurairira neziʋo here? Kuti uziʋiswe kwaɀo mashoko eɀokwaɗi, Kuti udzosere mashoko eɀokwaɗi kunaʋanokutuma here? Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza unotambudzika pasuʋo; Nokuti Jehova ucaʋarwira pamhaka dzaʋo, Nokutadzira ʋupenyu bgaʋanoʋatadzira. Usashamŋaridzana nomumhu unotsamŋa; Usafambidzana nomunhu unehasha; Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mŋeya wako musuŋgo. Usaʋa mumŋe waʋanoɀisuŋga noruʋoko, Kana ʋakaɀiita ruɓatso nokuɗa kwecikwerete. Kana usina‐cauŋgaripa naco, Ucagokutorereiko nhoʋo dzako pasi pako? Usabvisa muganho wekare, Wakaiswa’po namadziɓaɓa ako. Unoʋona munhu unoshiŋgaira paɓasa rake here? Ucamira pamberi pamadzimambo; Haaŋgamiri pamberi paʋanhu ʋasiŋgazikanwi.
Zvirevo 22:17-29 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)