Rerekera nzeve yako unzwe mazwi avangwaru uise mwoyo wako mune zvandinokuzivisa. Zvichakunakira ukazvichengeta mauri zviri pamuromo pako zvose. Kuitira kuti uvimbe naTenzi, ndada kukuzivisa izvi iyewe nhasi uno. Ndakakunyorera makumi matatu etsumo dzokukupa mazano noruzivo handiti? Izvi kuitira kuti ndikuratidze zvakarurama nezvechokwadi kuitira kuti upe anenge akutuma mhinduro yechokwadi. Usapambe murombo nokuti murombo, usambunyikidze vatamburi padare, nokuti Tenzi achavarwira, achatorera upenyu vanovapamba. Usaite ushamwari nomunhu wehasha kana kufambidzana nemunhu wokutsamwa ungadaro ukadzidza tsika dzake zvikave musungo unokusunga. Usave mumwe wavanoita chitsidzo anova mumiririri wezvikwereti. Kana usina chokuripa nacho vangadaro vakatora mubhedha wako waunorara. Usabvise chitata chakare chomuganhu wenyika chakaiswa namadzibaba ako. Ndiratidzei munhu anoziva basa rake iyeyo ndiye achamira pamberi pamadzimambo haamiri pamberi pavanhu vasingazivikanwi.
Verenga chikamu Tsumo 22
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 22:17-29
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo