Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvirevo 22:17-29

Zvirevo 22:17-29 SNA2002

Rerekera nzeve yako, unzwe mashoko owakachenjera, Mwoyo wako urangarire zivo yangu. Nokuti chinhu chakanaka, kana uchigara nazvo mukati mako, Ngazvigare pamwechete pamiromo yako. Ndakakuzivisa, iyewe, izvozvo nhasi, Kuti uvimbe naJehovha. Handina kukunyorera mashoko akaisvonaka here, Okurairira nezivo here? Kuti uziviswe kwazvo mashoko ezvokwadi, Kuti udzosere mashoko ezvokwadi kuna vanokutuma here? Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza anotambudzika pasuo; Nokuti Jehovha achavarwira pamhaka dzavo, Nokutadzira upenyu hwavanovatadzira. Usashamwaridzana nomunhu anotsamwa; Usafambidzana nomunhu ane hasha; Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mweya wako musungo. Usava mumwe wavanozvisunga noruoko, Kana vakazviita rubatso nokuda kwechikwerete. Kana usina chaungaripa nacho, Achagokutorereiko nhoo dzako pasi pako? Usabvisa muganho wekare, Wakaiswapo namadzibaba ako. Unoona munhu anoshingaira pabasa rake here? Achamira pamberi pamadzimambo; Haangamiri pamberi pavanhu vasingazikanwi.

Verenga chikamu Zvirevo 22