Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 22:17-29

Ɀireʋo 22:17-29 SUB1949

Rerekera nzeʋe yako, unzwe mashoko owakaceŋjera, Mŋoyo wako uraŋgarire ziʋo yaŋgu. Nokuti cinhu cakanaka, kana ucigara naɀo mukati mako, Ŋgaɀigare pamŋe cete pamiromo yako. Ndakakuziʋisa, iyewe, iɀoɀo nhasi, Kuti uʋimbe naJehova. Handina‐kukunyorera mashoko akaiȿo‐naka here, Okurairira neziʋo here? Kuti uziʋiswe kwaɀo mashoko eɀokwaɗi, Kuti udzosere mashoko eɀokwaɗi kunaʋanokutuma here? Usatorera murombo, nokuti murombo; Usamanikidza unotambudzika pasuʋo; Nokuti Jehova ucaʋarwira pamhaka dzaʋo, Nokutadzira ʋupenyu bgaʋanoʋatadzira. Usashamŋaridzana nomumhu unotsamŋa; Usafambidzana nomunhu unehasha; Kuti urege kudzidza tsika dzake, Uteyire mŋeya wako musuŋgo. Usaʋa mumŋe waʋanoɀisuŋga noruʋoko, Kana ʋakaɀiita ruɓatso nokuɗa kwecikwerete. Kana usina‐cauŋgaripa naco, Ucagokutorereiko nhoʋo dzako pasi pako? Usabvisa muganho wekare, Wakaiswa’po namadziɓaɓa ako. Unoʋona munhu unoshiŋgaira paɓasa rake here? Ucamira pamberi pamadzimambo; Haaŋgamiri pamberi paʋanhu ʋasiŋgazikanwi.