Zvirevo 21:1-16
Zvirevo 21:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Mwoyo wamambo uri mumaoko aTenzi, anoutendeutsira kwaanenge achida. Zviito zvose zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo, asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu. Kuita zvakarurama noruenzaniso, ndizvo zvinodiwa naTenzi kupinda chibayiro. Kutsvitsvinyara uye kuva nemwoyo wokuzvikudza chitadzo, ndiwo mwenje wavakaipa iwoyo. Kunyatsoronga zvinhu nemazvo, kunowanisa zvakawanda, mandichimbidzike anobereka urombo. Kuwana upfumi namanyepo ibute rinongopfuura uye iriva rorufu. Utsinye hwavakaipa huchavakukura nokuti vanoramba kuita zvino ruenzaniso. Maitiro omunhu ane mhosva akaminama, asi evasina mhosva akati tasa. Zviri nani kugara pakona yedenga remba pano kugara nomukadzi anenharo. Mwoyo womunhu akaipa, unodokwairira uipi haana tsiye nyoro nomunhu. Kana anoshora akarangwa voruzhinji vanongwara. Kana mungwaru akadzidziswa, anowana ruzivo. Iye mururami anoongorora imba yomuipi achapinza vakaipa mukuparadzwa. Munhu anodzivira nzeve kumurombo anochema kwaari, iyewo achazochema pasina anomunzwa. Chipo chinopiwa muchivande chinopodza hasha. Pfumbamuromo yapakavanda inomutsa hasha dzinotyisa. Kana ruenzaniso rwaitwa zvinofadza wakarurama asi zvinokangaidza vakaipa. Munhu anodzungaira achisiya nzira yokunzwisisa achandozorora mugungano rakafa.
Zvirevo 21:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha; anouendesa kwaanoda sehova dzemvura. Nzira dzose dzomunhu dzinoita sedzakarurama kwaari, asi Jehovha anoyera mwoyo pachikero. Kuita zvakarurama nokururamisira zvinonyanya kufadza Jehovha kupfuura chibayiro. Meso ana manyawi nomwoyo unozvikudza, mwenje woakaipa, ndizvo chivi! Urongwa hwavanoshingaira hunouyisa zvizhinji, sezvo, zvirokwazvo, kukurumidzisa kuchiuyisa urombo. Pfuma yakaunganidzwa norurimi runoreva nhema imhute inopupurutswa uye muteyo wakaipisisa. Kumanikidza kwavakaipa kuchavazvuzvurudzira kure, nokuti vanoramba kuita zvakarurama. Nzira yeane mhosva yakaminama, asi kufamba kwaasina mhosva kwakarurama. Zviri nani kugara pakona yedenga remba, pano kugara mumba nomudzimai anokakavara. Munhu akaipa anoshuvira zvakaipa; muvakidzani wake haawani tsitsi kubva kwaari. Kana museki akarangwa vasina mano vanowana uchenjeri; kana munhu akachenjera akarayirwa anowana zivo. Iye Akarurama anocherechedza imba yeakaipa, uye anoisa akaipa kukuparadzwa. Kana munhu akadzivira nzeve dzake kumurombo, naiyewo achachema uye hapana achamunzwa. Chipo chinopiwa muchivande chinonyaradza hasha, uye fufuro yakavigwa mujasi inonyaradza kutsamwa kukuru. Kana kururamisira kwaitwa, kunouyisa mufaro kuna vakarurama, asi kunovhundutsa vaiti vezvakaipa. Munhu anorasika panzira yokunzwisisa achandozororera muungano yavakafa.

Zvirevo 21:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda. Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera mwoyo. Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro. Kutarira kwamanyawi nomwoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi. Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa. Kuunganidza pfuma norurimi runorevha nhema Imhute inodzingwa kwose-kwose navanotsvaka rufu. Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, Nokuti vanoramba kuita zvakarurama. Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama. Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara. Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari. Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira zivo. Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa. Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki. Chipo, chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru. Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunoakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako. Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.
Zvirevo 21:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwoyo wamambo uri mumaoko aTenzi, anoutendeutsira kwaanenge achida. Zviito zvose zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo, asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu. Kuita zvakarurama noruenzaniso, ndizvo zvinodiwa naTenzi kupinda chibayiro. Kutsvitsvinyara uye kuva nemwoyo wokuzvikudza chitadzo, ndiwo mwenje wavakaipa iwoyo. Kunyatsoronga zvinhu nemazvo, kunowanisa zvakawanda, mandichimbidzike anobereka urombo. Kuwana upfumi namanyepo ibute rinongopfuura uye iriva rorufu. Utsinye hwavakaipa huchavakukura nokuti vanoramba kuita zvino ruenzaniso. Maitiro omunhu ane mhosva akaminama, asi evasina mhosva akati tasa. Zviri nani kugara pakona yedenga remba pano kugara nomukadzi anenharo. Mwoyo womunhu akaipa, unodokwairira uipi haana tsiye nyoro nomunhu. Kana anoshora akarangwa voruzhinji vanongwara. Kana mungwaru akadzidziswa, anowana ruzivo. Iye mururami anoongorora imba yomuipi achapinza vakaipa mukuparadzwa. Munhu anodzivira nzeve kumurombo anochema kwaari, iyewo achazochema pasina anomunzwa. Chipo chinopiwa muchivande chinopodza hasha. Pfumbamuromo yapakavanda inomutsa hasha dzinotyisa. Kana ruenzaniso rwaitwa zvinofadza wakarurama asi zvinokangaidza vakaipa. Munhu anodzungaira achisiya nzira yokunzwisisa achandozorora mugungano rakafa.
Zvirevo 21:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋoyo wamambo uri muruʋoko rwaJehova sehoʋa dzemvura; Unoufambisa seɀaanoɗa. Nzira ipi neipi yomunhu unoti yakarurama pakuʋona kwake; Asi Jehova unoyera mŋoyo. Kuita ɀakarurama nokururamisira Ɀinofadza Jehova kupfuʋura ciɓayiro. Kutarira kwamanyawi nomŋoyo unoɀikudza, Ico ciedza caʋakaipa, ɀiʋi. Ndaŋgariro dzaʋashiŋgairi dzinoʋuyisa ɀizhinji; Asi aninani unokurumidzisa unoŋgoʋaŋgira kushaiwa. Kuʋuŋganidza fuma norurimi runoreʋa nhema Imhute inodziŋgwa kwose‐kwose naʋanotȿaka rufu. Kumanikidza kwaʋakaipa kunoʋaparadza, Nokuti ʋanoramba kuita ɀakarurama. Nzira yomunhu unemhoȿa yakaminama kwaɀo; Asi kana ari wakacena, kuita kwake kwakarurama. Ɀirinani kugara pakona reɗeŋga, Pakugara muimba imŋe nomukadzi unokakaʋara. Mŋeya wowakaipa unoɗa ɀakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari. Kana muɗaɗi aciraŋgwa, usinamano ucaʋa noʋucenjeri; Kana wakacenjera acidzidziswa, unogamucira ziʋo. Wakarurama unocerekedza imba yowakaipa; Unowisira ʋakaipa mukuparadzwa. Unodziʋira nzeʋe yake, kuti arege kunzwa kucema kwomurombo, Iye ʋo ucacema, asi haaŋganzwiki. Cipo, cinopiwa pakaʋanda, cinonyaradza hasha, Necipiwa, ciri mucifuʋa, kutsamŋa kukuru. Kuita ɀakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi ʋaiti ʋeɀakaipa ʋanoparadzwa nako. Munhu, unotsauka panzira yenjere, Ucandozorora muʋuŋgano yaʋakafa.