Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tsumo 21:1-16

Tsumo 21:1-16 SCLB

Mwoyo wamambo uri mumaoko aTenzi, anoutendeutsira kwaanenge achida. Zviito zvose zvomunhu zvingatarisike sezvakanaka kumuridzi wazvo, asi Tenzi anoyera zvinangwa zvomunhu. Kuita zvakarurama noruenzaniso, ndizvo zvinodiwa naTenzi kupinda chibayiro. Kutsvitsvinyara uye kuva nemwoyo wokuzvikudza chitadzo, ndiwo mwenje wavakaipa iwoyo. Kunyatsoronga zvinhu nemazvo, kunowanisa zvakawanda, mandichimbidzike anobereka urombo. Kuwana upfumi namanyepo ibute rinongopfuura uye iriva rorufu. Utsinye hwavakaipa huchavakukura nokuti vanoramba kuita zvino ruenzaniso. Maitiro omunhu ane mhosva akaminama, asi evasina mhosva akati tasa. Zviri nani kugara pakona yedenga remba pano kugara nomukadzi anenharo. Mwoyo womunhu akaipa, unodokwairira uipi haana tsiye nyoro nomunhu. Kana anoshora akarangwa voruzhinji vanongwara. Kana mungwaru akadzidziswa, anowana ruzivo. Iye mururami anoongorora imba yomuipi achapinza vakaipa mukuparadzwa. Munhu anodzivira nzeve kumurombo anochema kwaari, iyewo achazochema pasina anomunzwa. Chipo chinopiwa muchivande chinopodza hasha. Pfumbamuromo yapakavanda inomutsa hasha dzinotyisa. Kana ruenzaniso rwaitwa zvinofadza wakarurama asi zvinokangaidza vakaipa. Munhu anodzungaira achisiya nzira yokunzwisisa achandozorora mugungano rakafa.

Verenga chikamu Tsumo 21