Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 21:1-16

Ɀireʋo 21:1-16 SUB1949

Mŋoyo wamambo uri muruʋoko rwaJehova sehoʋa dzemvura; Unoufambisa seɀaanoɗa. Nzira ipi neipi yomunhu unoti yakarurama pakuʋona kwake; Asi Jehova unoyera mŋoyo. Kuita ɀakarurama nokururamisira Ɀinofadza Jehova kupfuʋura ciɓayiro. Kutarira kwamanyawi nomŋoyo unoɀikudza, Ico ciedza caʋakaipa, ɀiʋi. Ndaŋgariro dzaʋashiŋgairi dzinoʋuyisa ɀizhinji; Asi aninani unokurumidzisa unoŋgoʋaŋgira kushaiwa. Kuʋuŋganidza fuma norurimi runoreʋa nhema Imhute inodziŋgwa kwose‐kwose naʋanotȿaka rufu. Kumanikidza kwaʋakaipa kunoʋaparadza, Nokuti ʋanoramba kuita ɀakarurama. Nzira yomunhu unemhoȿa yakaminama kwaɀo; Asi kana ari wakacena, kuita kwake kwakarurama. Ɀirinani kugara pakona reɗeŋga, Pakugara muimba imŋe nomukadzi unokakaʋara. Mŋeya wowakaipa unoɗa ɀakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari. Kana muɗaɗi aciraŋgwa, usinamano ucaʋa noʋucenjeri; Kana wakacenjera acidzidziswa, unogamucira ziʋo. Wakarurama unocerekedza imba yowakaipa; Unowisira ʋakaipa mukuparadzwa. Unodziʋira nzeʋe yake, kuti arege kunzwa kucema kwomurombo, Iye ʋo ucacema, asi haaŋganzwiki. Cipo, cinopiwa pakaʋanda, cinonyaradza hasha, Necipiwa, ciri mucifuʋa, kutsamŋa kukuru. Kuita ɀakarurama ndiwo mufaro kunowakarurama; Asi ʋaiti ʋeɀakaipa ʋanoparadzwa nako. Munhu, unotsauka panzira yenjere, Ucandozorora muʋuŋgano yaʋakafa.