Mwoyo wamambo uri muruoko rwaJehovha sehova dzemvura; Anoufambisa sezvaanoda. Nzira ipi neipi yomunhu anoti yakarurama pakuona kwake; Asi Jehovha anoyera mwoyo. Kuita zvakarurama nokururamisira Zvinofadza Jehovha kupfuura chibayiro. Kutarira kwamanyawi nomwoyo unozvikudza, Icho chiedza chavakaipa, zvivi. Ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji; Asi ani naani anokurumidzisa anongovangira kushaiwa. Kuunganidza pfuma norurimi runorevha nhema Imhute inodzingwa kwose-kwose navanotsvaka rufu. Kumanikidza kwavakaipa kunovaparadza, Nokuti vanoramba kuita zvakarurama. Nzira yomunhu ane mhosva yakaminama kwazvo; Asi kana ari akachena, kuita kwake kwakarurama. Zviri nani kugara pakona redenga, Pakugara muimba imwe nomukadzi anokakavara. Mweya wowakaipa unoda zvakaipa; Wokwake haawani nyasha kwaari. Kana mudadi achirangwa, asina mano achava nouchenjeri; Kana wakachenjera achidzidziswa, anogamuchira zivo. Akarurama anocherekedza imba yowakaipa; Anowisira vakaipa mukuparadzwa. Anodzivira nzeve yake, kuti arege kunzwa kuchema kwomurombo, Iyewo achachema, asi haanganzwiki. Chipo, chinopiwa pakavanda, chinonyaradza hasha, Nechipiwa, chiri muchipfuva, kutsamwa kukuru. Kuita zvakarurama ndiwo mufaro kunoakarurama; Asi vaiti vezvakaipa vanoparadzwa nako. Munhu, anotsauka panzira yenjere, achandozorora muungano yavakafa.
Verenga chikamu Zvirevo 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Zvirevo 21:1-16
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo