VaFiripi 4:4-14
VaFiripi 4:4-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Farai muna She nguva dzose. Ndichapamhidzazve: Farai! Unyoro hwenyu ngahuonekwe kuna vose. Ishe ava pedyo. Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose, kumbirai Mwari neminyengetero, nemikumbiro uye nokuvonga. Uye rugare rwaMwari, runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira hama, ndinoti kwamuri: fungai pamusoro pezvinhu izvi zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinoyevedza, kana paine chinhu chakaisvonaka kana chinorumbidzwa, fungai pamusoro pezvinhu izvi zvakadai. Zvinhu zvipi zvazvo zvamakadzidza kana zvamakagamuchira kana zvamakanzwa kubva kwandiri, kana zvamakaona mandiri, itai izvozvo. Uye Mwari worugare ngaave nemi. Ndinofara zvikuru muna She kuti pakupedzisira makavandudza hanya yenyu nokuda kwangu. Zvirokwazvo, makanga mune hanya henyu, asi makanga musina mukana wokuti muzviratidze. Handirevi izvi nokuda kwokuti ndinoshayiwa, nokuti ndakadzidza kugutsikana nezvinenge zviripo. Ndinoziva kuti kushayiwa chii, uye ndinoziva kuva nezvakawanda. Ndakadzidza chakavanzika chokugutsikana mune zvipi zvazvo uye mumamiriro ose zvawo, kungava kuguta kana kunzwa nzara, kana kuva nezvakawanda kana kushayiwa. Ndinogona kuita zvinhu zvose kubudikidza naiye anondipa simba. Asi makaita zvakanaka kuti makagovana neni mumatambudziko angu.
VaFiripi 4:4-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi. Ndakafara zvikuru muna Ishe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashayiwa nguva. Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa. Ndingaita zvose naiye anondipa simba. Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasangana neni pakutambudzika kwangu.
VaFiripi 4:4-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi. Ndinofara zvikuru kwazvo muna Tenzi kuti zvazoitika zvino kuti mazondifungazve. Maindirangarira zvenyu asi makanga musina kuwana mukana wacho. Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri. Ndinoziva kuva murombo, ndinozivawo chinonzi kupfuma. Mune chipi nechipi uye muna zvose ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuva nenzara, kuva nezvakawandisisa nokuva noushai. Ndinogona kuita zvinhu zvose maari iye anondisimbisa. Asi imi makaita zvakanaka kwazvo pamakabatana neni mumatambudziko angu.
VaFiripi 4:4-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Farai munaShe ŋguʋa dzose; ndicapamhidza ɀe: Farai. Ʋunyoro bgenyu ŋgabguzikanwe naʋanhu ʋose. Ishe uri pedyo. Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga. Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzaŋgu, ɀose ɀaɀokwaɗi, ɀose ɀinokudzwa, ɀose ɀakarurama, ɀose ɀakacena, ɀose ɀinoɗikanwa, ɀose ɀinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana ciŋgarumbidzwa cipi necipi, fuŋgisisai iɀoɀo. Ɀinhu iɀo ɀamakadzidza, neɀamakapiwa, neɀamakanzwa, neɀamakaʋona kwandiri, itai iɀoɀo; Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi. Ndakafara ɀikuru munaShe, nokuti ɀino makapepuka ɀe mukandiraŋgarira; makaŋga maraŋgarira henyu, asi makashaiwa ŋguʋa. Handireʋi iɀoɀi nokuti ndinoshaiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda neɀose ɀandinaɀo. Ndinoziʋa ʋurombo, ndinoziʋa ʋo kuʋa neɀakawanda; pacinhu cipi necipi napaɀinhu ɀose ndakadzidziswa kuti ndiziʋe kuguta nokunzwa nzara, kuʋa neɀizhinji nokushaiwa. Ndiŋgaita ɀose naiye unondipa simba. Kunyaŋge ɀakaɗaro, makaita ɀakanaka ɀamakasoŋgana neni pakutambudzika kwaŋgu.
VaFiripi 4:4-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)