Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vafiripi 4:4-14

Vafiripi 4:4-14 SCLB

Farai kwazvo nguva dzose muna Tenzi. Ndinotizve farai kwazvo. Vanhu vose ngavazive kuva nemwoyo wakanaka kwenyu. Tenzi wava pedyo. Musazvidye mwoyo nechii chose zvacho; asi muna zvose, isai zvichemo zvenyu kuna Mwari nokunamata, nokuteterera nokutenda. Rugare rwaMwari runopfuura kunzwisia kose ruchachengeta mwoyo yenyu nepfungwa dzenyu muna Kristu Jesu. Pokupedzisira hama dzangu, chinhu chose chinenge chiri chechokwadi kana chinoremekedzeka kana chakarurama kana chitsvene chose nechinoyevedza kana chinoyemurika nechino runako rwakanyanya kwazvo kana chinorumbidzika, nyatsozvidzamisai izvozvo mundangariro dzenyu. Itai zvamakadzidza mukagamuchira nokunzwa nokuona mandiri. Mwari worugare achava nemi. Ndinofara zvikuru kwazvo muna Tenzi kuti zvazoitika zvino kuti mazondifungazve. Maindirangarira zvenyu asi makanga musina kuwana mukana wacho. Handisi kutaura izvi pamusana pokushaya chokubata nokuti ini ndakadzidza kugutsikana namamiriro anenge akaita zvinhu kwandiri. Ndinoziva kuva murombo, ndinozivawo chinonzi kupfuma. Mune chipi nechipi uye muna zvose ndakadzidza kuva nezvakawanda nokuva nenzara, kuva nezvakawandisisa nokuva noushai. Ndinogona kuita zvinhu zvose maari iye anondisimbisa. Asi imi makaita zvakanaka kwazvo pamakabatana neni mumatambudziko angu.

Verenga chikamu Vafiripi 4