Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai. Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu. Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi. Ndakafara zvikuru muna Ishe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashayiwa nguva. Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo. Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa. Ndingaita zvose naiye anondipa simba. Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasangana neni pakutambudzika kwangu.
Verenga chikamu VaFiripi 4
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: VaFiripi 4:4-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo