Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaFiripi 4

4
Pauro anovaraira nokuvasimbisa
1Naizvozvo, hama dzangu, vadikanwi vandinoshuva kwazvo, mufaro wangu, nekorona yangu, mirai nesimba saizvozvo muna Ishe, vadikanwi.
2Ndinokumbira zvikuru Yuodhia, ndinokumbira zvikuru Sinitike, kuti vave nomwoyo mumwe muna Ishe. 3Hongu, newewo, shamwari yangu yazvokwadi pabasa, ndinokumbira kwauri kuti ubatsire vanhukadzi ava, nokuti vakabatirana neni paVhangeri, pamwechete naKiremenzi, navamwe vakabata basa pamwechete neni, mazita avo ari mubhuku youpenyu.
4Farai muna Ishe nguva dzose; ndichapamhidzazve: Farai.
5Unyoro hwenyu ngahuzikanwe navanhu vose. Ishe ari pedyo. 6Musafunganya pamusoro pechinhu; asi pazvinhu zvose, mikumbiro yenyu ngaiziviswe Mwari nokunyengetera nokukumbira, pamwechete nokuvonga. 7Zvino rugare rwaMwari runopfuura kunzwisisa kwose, rucharinda mwoyo yenyu nemifungo yenyu muna Kristu Jesu.
8Pakupedzisira, hama dzangu, zvose zvechokwadi, zvose zvinokudzwa, zvose zvakarurama, zvose zvakachena, zvose zvinodikanwa, zvose zvinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana chingarumbidzwe chipi nechipi, fungisisai izvozvo. 9Zvinhu izvo zvamakadzidza, nezvamakapiwa, nezvamakanzwa, nezvamakaona kwandiri, itai izvozvo; Mwari worugare ngaave nemi.
Pauro anovonga pamusoro pechipo chavakamutumira
10Ndakafara zvikuru muna Ishe, nokuti zvino makapepukazve mukandirangarira; makanga marangarira henyu, asi makashayiwa nguva. 11Handirevi izvozvi nokuti ndinoshayiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda nezvose zvandinazvo.
12Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushayiwa. 13Ndingaita zvose naiye anondipa simba. 14Kunyange zvakadaro, makaita zvakanaka zvamakasangana neni pakutambudzika kwangu. 15Munozivawo, imi vaFiripi, kuti pakutanga kweVhangeri, ndichibva Makedhonia, pakanga pasina sangano rimwe rakasangana neni pashoko rokupa nokugamuchira, asi imi moga; 16nokuti napaTesaronika makanditumira kamwe, norwechipirizve, pakushayiwa kwangu.
17Handirevi kudaro kuti nditsvake chipo, asi ndinotsvaka chibereko chamunozofumiswa nacho. 18Zvino ndava nezvose, ndapfumiswa; ndaguta, ndagamuchira kuna Epafirodhito izvo, zvinobva kwamuri, zvakaita sohwema hunonhuwira, nechibayiro chakafanira, chinofadza Mwari.
19Zvino Mwari wangu achazadzisa kushayiwa kwenyu kwose papfuma yake, mukubwinya, muna Kristu Jesu. 20Zvino Mwari, baba vedu, ngaave nokubwinya nokusingaperi-peri. Ameni.
21Ndikwazisirei mutsvene mumwe nomumwe muna Kristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai. 22Vatsvene vose vanokukwazisai, zvikuru avo veimba yaKesari.
23Nyasha dzaIshe Jesu Kristu ngadzive nomweya wenyu.

Zvasarudzwa nguva ino

VaFiripi 4: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda