ƲaFiripi 4
4
Pauro unoʋaraira nokuʋasimbisa.
1Naiɀoɀo, hama dzaŋgu, ʋaɗikanwa ʋandinoshuʋa kwaɀo, mufaro waŋgu, nekorona yaŋgu, mirai nesimba saiɀoɀo munaShe, ʋaɗikanwa.
2Ndinokumbira ɀikuru Yuodia, ndinokumbira ɀikuru Sintike, kuti ʋaʋe nomŋoyo mumŋe munaShe. 3Hoŋo, newe ʋo, shamŋari yaŋgu yaɀokwaɗi paɓasa, ndinokumbira kwauri kuti uɓatsire ʋanhukadzi aʋa, nokuti ʋakaɓatirana neni paEvaŋgeri, pamŋe cete naKremensi, naʋamŋe ʋakaɓata pamŋe cete neni, mazita aʋo ari mubuku yoʋupenyu.
4Farai munaShe ŋguʋa dzose; ndicapamhidza ɀe: Farai. 5Ʋunyoro bgenyu ŋgabguzikanwe naʋanhu ʋose. Ishe uri pedyo. 6Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga. 7Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu.
8Pakupedzisira, hama dzaŋgu, ɀose ɀaɀokwaɗi, ɀose ɀinokudzwa, ɀose ɀakarurama, ɀose ɀakacena, ɀose ɀinoɗikanwa, ɀose ɀinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana ciŋgarumbidzwa cipi necipi, fuŋgisisai iɀoɀo. 9Ɀinhu iɀo ɀamakadzidza, neɀamakapiwa, neɀamakanzwa, neɀamakaʋona kwandiri, itai iɀoɀo; Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi.
Pauro unoʋoŋga pamsoro pecipo caʋakamutumira.
10Ndakafara ɀikuru munaShe, nokuti ɀino makapepuka ɀe mukandiraŋgarira; makaŋga maraŋgarira henyu, asi makashaiwa ŋguʋa. 11Handireʋi iɀoɀi nokuti ndinoshaiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda neɀose ɀandinaɀo. 12Ndinoziʋa ʋurombo, ndinoziʋa ʋo kuʋa neɀakawanda; pacinhu cipi necipi napaɀinhu ɀose ndakadzidziswa kuti ndiziʋe kuguta nokunzwa nzara, kuʋa neɀizhinji nokushaiwa. 13Ndiŋgaita ɀose naiye unondipa simba. 14Kunyaŋge ɀakaɗaro, makaita ɀakanaka ɀamakasoŋgana neni pakutambudzika kwaŋgu. 15Munoziʋa ʋo, imi ʋaFiripi, kuti pakutaŋga kweEvaŋgeri, ndicibva Makedonia, pakaŋga pasinekereke imŋe yakasoŋgana neni pashoko rokupa nokugamucira, asi imi moga; 16nokuti napaTesaronika makanditumira kamŋe, norwecipiri ɀe, pakushaiwa kwaŋgu. 17Handireʋi kuɗaro kuti nditȿake cipo, asi ndinotȿaka ciɓereko camunozofumiswa naco. 18Ɀino ndaʋa neɀose, ndafumiswa; ndaguta, ndagamucira kunaEpafrodito iɀo, ɀinobva kwamuri, ɀakaita sobgema bgunonhuwira, neciɓayiro cakafanira, cinofadza Mŋari. 19Ɀino Mŋari waŋgu ucazadzisa kushaiwa kwenyu kwose pafuma yake, mukubginya, munaKristu Jesu. 20Ɀino Mŋari, Ƃaɓa ʋeɗu, ŋgaaʋe nokubginya nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
21 Ndikwazisirei mutȿene mumŋe nomumŋe munaKristu Jesu. Hama dzineni dzinokukwazisai. 22Ʋatȿene ʋose ʋanokukwazisai, ɀikuru aʋo ʋeimba yaKesari.
23Nyasha dzaShe Jesu Kristu ŋgadziʋe nomŋeya wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
ƲaFiripi 4: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018